bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Thessalonians 3
1 Thessalonians 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
1
Saka ɀatakaŋga tisiŋgagoni kutsuŋga, takati ɀakanaka kuti tisiyiwe tiri toga paAtene;
2
tikatuma Timotio, hama yeɗu, mushumiri waMŋari paEvaŋgeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsuŋgisai mŋoyo pakutenda kwenyu;
3
kuti kurege kuʋa nomunhu unozunuŋguswa nenhamo idzi, nokuti munoziʋa mumene kuti takagadzirirwa iɀoɀo.
4
Nokuti ticiri kwamuri takambokuʋudzai kuti ticatambudzwa; seɀaɀakaitika, nemi munoziʋa.
5
Saka ini ʋo, ɀandakaŋga ndisicagoni kutsuŋga, ndaka mu tuma kuti ndiziʋe kutenda kwenyu, ndiciti ɀimŋe muidzi wakakuidzai, iɀo ɀatakaɓata ɀikaʋa pasina.
6
Asi ɀino Timotio wakati aȿika kwatiri acaŋgobva kwamuri, akatiʋudza mashoko akanaka okutenda kwenyu noruɗo rwenyu, ʋuye kuti munoŋgositifuŋga nomuraŋgariro wakanaka, muciɗa ɀikuru kutiʋona isu, sesu ʋo ticiɗa kukuʋonai imi;
7
saka, hama dzangu, takanyaradzwa pamsoro penyu pakutambudzika kweɗu kwose nenhamo nokutenda kwenyu;
8
nokuti ɀino isu tinorarama, kana imi mumire makasimba munaShe.
9
Nokuti tiŋgaʋoŋga Mŋari neiko pamsoro penyu, nomufaro wose watinofara nawo pamberi paMŋari weɗu nokuɗa kwenyu,
10
ticiŋgokumbira ɀikuru ʋusiku namasikati kuti tiʋone ciso cenyu, kuti tizadzise ɀakatairira pakutenda kwenyu?
11
Ɀino iye Mŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe weɗu Jesu, ŋgaaruramisire nzira yeɗu kwamuri;
12
ishe akukurisei, akuwanzisirei ruɗo pakati penyu nokunaʋose, seɀatinoita isu kwamuri,
13
asimbise mŋoyo yenyu kuti iʋe isina‐caiŋgapomerwa paʋutȿene pamberi paMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, pakuʋuya kwaShe weɗu Jesu pamŋe cete naʋatȿene ʋake ʋose.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5