bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Thessalonians 4
1 Thessalonians 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
1
Naiɀoɀo pakupedzisira, hama dzaŋgu, tinokumbira kwamuri, nokukurairai munaShe Jesu, kuti, seɀamakadzidza kwatiri mutoʋo wamunofanira kufamba nokufadza Mŋari nawo, seɀamunofamba ʋo, kuti muwanze nokuwanzisisa panaiɀoɀo.
2
Nokuti munoziʋa mirairo yatakakupai naShe Jesu.
3
Nokuti kuɗa kwaMŋari ndibgo ʋutȿene bgenyu, murege ʋupombge;
4
kuti mumŋe nomumŋe wenyu aziʋe kuɀiwanira mudziyo wake noʋutȿene nokukudzwa,
5
asiŋgaiti nokukara kwokuciʋa, saʋahedeni, ʋasiŋgaziʋi Mŋari;
6
munhu ŋgaarege kuitira hama yake ɀakaipa kana kumunyeŋgera pacinhu ici, nokuti Ishe ndiye mutsiʋi weɀinhu iɀoɀo ɀose, seɀatakakuʋudzai ʋo nokukupupurirai kwaɀo.
7
Nokuti Mŋari haana‐kutiɗanira tȿina, asi muʋutȿene.
8
Naiɀoɀo unoramba iɀoɀo, haarambi munhu, asi Mŋari, unokupai Mŋeya wake, iwo Mutȿene.
9
Ɀino, kana ruri ruɗo pakati pehama, hamufaniri kuti munyorerwe, nokuti imi mumene makadzidziswa naMŋari kuti muɗane;
10
nokuti ndiɀo ɀamunoitira hama dzose dzeMakedonia yose, asi tinokurairai, hama dzaŋgu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaiɀoɀi;
11
shiŋgairirai kuʋa norugare, mumŋe nomumŋe aɓate ɀake, muciɓate‐ɓasa namaʋoko enyu, seɀatakakurairai;
12
kuti mufambe nomutoʋo wakafanira kunaʋari kunze, musiŋgashaiwi cinhu.
13
Ɀino, hama dzaŋgu, hatiɗi kuti mushaiwe kuziʋa pamsoro paʋaʋete, kuti murege kucema saʋamŋe ʋasinetariro.
14
Nokuti kana ticitenda kuti Jesu wakafa, akamuka ɀe, saiɀoɀo ʋo aʋo ʋakaʋata munaJesu, Mŋari ucaʋaʋuyisa pamŋe cete naye.
15
Nokuti tinokuʋudzai neshoko raShe, kuti isu ʋapenyu, ʋakasara kuȿikira pakuʋuya kwaShe, hatiŋgatoŋgotaŋgiri ʋakaʋata.
16
Nokuti Ishe amene ucaɓuruka kuɗeŋga nokuɗanidzira, nenzwi romutumŋa mukuru, nehwamanda yaMŋari; ʋakafa munaKristu ʋacataŋga kumuka;
17
ɀino isu ʋapenyu, ʋakasara, ticatorwa pamŋe cete naʋo mumakore, kuti ticiŋgamidze Ishe muɗeŋga; naiɀoɀo ticaʋa naShe ŋguʋa dzose.
18
Naiɀoɀo nyaradzanai namashoko awa.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5