bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Peter 1
2 Peter 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
1
Simeoni Petro, muranda nomuapostora waJesu Kristu, kunaʋakagoʋerwa kutenda kumŋe nokweɗu, kunokosha, nokururama kwaMŋari weɗu noMuponesi Jesu Kristu;
2
nyasha ŋgadziʋe nemi norugare ŋgaruwanzwe pakuziʋa Mŋari naJesu, Ishe weɗu;
3
nokuti nesimba roʋuMŋari bgake takapiwa ɀose ɀinoɗikanwa paʋupenyu napakunamata Mŋari, nenzira yokumuziʋa iye wakatiɗana nokubginya kwake nokunaka;
4
akatipa naɀo ɀi kirwa ɀinokosha ɀakakura kwaɀo; kut naɀo muʋe ʋanhu ʋakagoʋerwa ʋuMŋari, matiza kuʋora kuri panyika nokuciʋa.
5
Ɀino nemhaka iyi mucishiŋgaira kwaɀo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziʋa;
6
napakuziʋa, kuɀidzora; napakuɀidzora, kutsuŋgirira; napakutsuŋgirira, kunamata Mŋari;
7
napakunamata Mŋari, kuɗa ʋatendi, napakuɗa ʋatendi, ruɗo.
8
Nokuti kana muneɀinhu iɀi, ɀiciramba ɀiciwanzwa, ɀicakuitai ʋanhu ʋasinoʋusimbe naʋasiŋgashaiwi ɀiɓereko pakuziʋa Ishe weɗu, Jesu Kristu.
9
Nokuti munhu, usinaiɀoɀi iɓofu, unoʋona ɀiri pedyo ɓedzi, wakaŋganwa kusukwa kweɀiʋi ɀake ɀakare.
10
Saka, hama dzaŋgu, shiŋgairai kwaɀo kuti musimbise kuɗanwa nokusanaŋgurwa kwenyu; nokuti kana muciita iɀoɀi hamuŋgatoŋgogumburwi;
11
nokuti muciɀiita mucazarurirwa ɀakanaka kuti mupinde muʋushe bgusiŋgaper bgaShe weɗu, noMuponesi Jesu Kristu.
12
Saka handiŋgaregi kukuyeʋudzai ɀinhu iɀi ŋguʋa dzose, kunyaŋge muciɀiziʋa henyu, ʋuye makasimba paɀokwaɗi yamunayo.
13
Ndinoti ɀakanaka, kuti ndiciri mutabernakeri ino ndikumutsei nokukuyeʋudzai;
14
ndiciziʋa kuti kubviswa kwetabernakeri yaŋgu kwaʋa pedyo, seɀandakaratidzwa naShe weɗu Jesu Kristu.
15
Ɀino ndicashiŋgaira, kuti mugogona kuraŋgarira ɀinhu iɀi ŋguʋa dzose kana ndaenda.
16
Nokuti hatina‐kuteʋera ŋgano dzokufuŋgwa nenjere, ŋguʋa yatakakuziʋisai simba nokuʋuya kwaShe weɗu Jesu Kristu, asi takaŋga tiri ʋanhu ʋakaʋona ʋumambo bgake.
17
Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubginya naMŋari, Ƃaɓa, paŋguʋa iya, yakaʋuya inzwi rakaɗai kwaari, ricibva kukubginya kukuru‐kuru, riciti: Uyu ndiye Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira.
18
Inzwi iri takarinzwa isu, ricibva kuɗeŋga, ŋguʋa yatakaŋga tinaye mugomo dɀene.
19
Ʋuye tineshoko roʋuprofita rakasimba kwaɀo, ramunoita ɀakanaka kana muciriterera, rakaita somŋenje unovenekera munerima, kuȿikira ʋutoŋga bgucitȿuka, nenyamasase iciɓuɗira mŋoyo yenyu;
20
muciziʋa pakutaŋga, kuti hakunoʋuprofita bgorugwaro bgunoŋgoɗudzirwa nomunhu;
21
nokuti hakunoʋuprofita bgakatoŋgoʋuya nokuɗa kwomunhu, asi ʋanhu ʋaMŋari ʋakataura, ʋacimutswa noMŋeya Mutȿene.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
Recommended Reading
Commentary
2 Peter Commentaries
→
Devotional
2 Peter Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→