bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Peter 3
2 Peter 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
1
Ʋaɗikanwa, iyi ndiyo ŋwadi yecipiri yandinokunyorerai ɀino; panaidzedzi dzose mbiri ndinomutsa ndaŋgariro dzenyu ndicikuyeʋudzirai;
2
kuti mugoraŋgarira mashoko akataurwa kare naʋaprofita ʋatȿene, nomurairo waShe, Muponesi, wamakapiwa naʋaapostora ʋenyu;
3
pakutaŋga muziʋe henyu cinhu ici, kuti pamazuʋa okupedzisira ʋaseki ʋacaʋuya ʋaciseka, ʋacifamba nokuciʋa kwaʋo,
4
ʋaciti: Cipikirwa cokuʋuya kwake ciripiko ɀino? Nokuti kubva pakuparara kwamadziɓaɓa, ɀinhu ɀose ɀinoŋgoramba ɀakaita seɀaɀakaŋga ɀakaita kubva pakutaŋga kwokusikwa.
5
Nokuti ʋanokaŋganwa nobgoni cinhu ici, kuti kare ɗeŋga raiʋa’po, nenyika yakaɓuɗiswa mumvura, yakaitwa nemvura neshoko raMŋari;
6
naɀo nyika, yaiʋa’po ŋguʋa iyo, yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa;
7
asi ɗeŋga, riri’po ɀino, nenyika, ɀakaʋigirwa mŋoto neshoko ireri, ɀinoceŋgetererwa zuʋa rokutoŋga, nerokuparadzwa kwaʋanhu ʋasiŋgaɗi Mŋari.
8
Asi ʋaɗikanwa, musakaŋganwa cinhu cimŋe ici, kuti kunaShe zuʋa rimŋe rakaita samakore anecuru, namakore anecuru sezuʋa rimŋe.
9
Ishe haanonoki kuita seɀaakapikira, seɀinoreʋa ʋamŋe ʋaciti: Hunonoka; asi unomŋoyo murefu kwamuri, nokuti haaɗi kuti ʋamŋe ʋarashike, asi kuti ʋose ʋatendeʋuke.
10
Asi zuʋa raShe ricaʋuya sembava; naro ɗeŋga ricapfuʋura nokutinhira kukuru, neɀeɗeŋga ɀicaparadzwa ɀicipiswa, nenyika namaɓasa ari mairi acapiswa.
11
Iɀi ɀose ɀaɀicaparadzwa saiɀoɀo, imi munofanira kuʋa ʋanhu ʋakaɗiniko pamufambire wenyu mutȿene nokunamata Mŋari,
12
imi munotarira nokushuʋa ʋo kwaɀo kuʋuya kwezuʋa raMŋari; naro ɗeŋga ricaparadzwa nokutȿa, neɀeɗeŋga ɀicanyauka ɀicipiswa.
13
Asi seɀaakapikira, tinotarira ɗeŋga idɀa nenyika itȿa, munogara kururama maɀiri.
14
Saka ʋaɗikanwa, ɀamunotarira ɀinhu iɀi, shiŋgairai kuti muwanikwe naye munorugare, musinoruʋara, musinemhoȿa;
15
muciti, mŋoyo murefu waShe weɗu ruponeso; saPauro, hama yeɗu inoɗikanwa, akakunyorerai ʋo nokucenjera kwaakapiwa;
16
seɀaanotaura muŋwadi dzake dzose pamsoro peɀinhu iɀi; madziri muneɀimŋe ɀikukutu kunzwisiswa; ɀinominamiswa, samamŋe magwaro ʋo, naʋasiŋgaziʋi naʋasinesimba, kuȿikira ʋaparadzwa.
17
Naiɀoɀo imi ʋaɗikanwa, ɀamunoziʋa ɀinhu iɀi ɀisati ɀaitwa, cenjerai kuti murege kurashwa nokutsauka kwaʋakashata, muwe pakusimba kwenyu.
18
Asi kurai panyasha napakuziʋa Ishe weɗu, Muponesi Jesu Kristu. Ŋgaaʋe nokubginya ɀino, nokusiŋgaperi. Ameni.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
All chapters:
1
2
3