bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Peter 2
2 Peter 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
1
Asi kwakaŋga kunaʋaprofita ʋenhema pakati paʋanhu, seɀaʋacaʋa’po pakati penyu ʋo ʋadzidzisi ʋenhema, ʋacapinza pakaʋanda dzidziso dzakatsauka dzinoparadza, ʋaciramba naiye Tenzi wakaʋateŋga, ʋaciɀiwisira kuparadzwa kunokurumidza.
2
Ʋazhinji ʋacateʋera ʋutere bgaʋo; nokuɗa kwaʋo nzira yeɀokwaɗi icaɀidzwa.
3
Pakukarira kwaʋo mari ʋacakunyeŋgerai namashoko amano-mano; kutoŋgwa kwaʋo, kwakatarwa kare, hakunonoki, nokuparadzwa kwaʋo hakukotsiri.
4
Nokuti kana Mŋari asina‐kurega ʋatumŋa ʋakatadza, asi wakaʋakandira muTartaro nokuʋaisa kumakomba erima, kuti ʋaceŋgeterwe kutoŋgwa;
5
akasarega ʋo nyika yekare, asi wakaponesa Noa muparidzi wokururama pamŋe cete naʋamŋe ʋanomŋe, ŋguʋa yaakaʋuyisa mvura zhinji panyika yaʋanhu ʋakaŋga ʋasiŋgaɗi Mŋari;
6
akashandura maguta eSodoma neGomora akaaita maɗota, akaatoŋgera kuti aparadzwe, akaaita ciʋe ciratidzo kunaiʋo ʋacagara ʋasiŋgaɗi Mŋari;
7
akasunuŋgura Roti, wakaŋga akarurama, wakaŋga afa neshuŋgu nokuɗa kwomufambire woʋutere waʋakashata,
8
(nokuti munhu uyu wakarurama, agere pakati paʋo aciʋona nokunzwa, wakarwadzisa mŋeya wake wakarurama zuʋa rimŋe nerimŋe namaɓasa aʋo akaŋga asino‐kururama).
9
Ishe unoziʋa kusunuŋgura pamiidzo ʋanonamata Mŋari, nokuceŋgeta ʋasakarurama ʋaʋe pakurobga kuȿikira pazuʋa rokutoŋgwa;
10
ɀikuru iʋo ʋanofamba nomutoʋo wenyama pakuciʋa kunoȿiɓisa nokuɀidza ʋukuru; ʋanotsuŋga, ʋaciita nokuɗa kwaʋo, ʋasiŋgatyi kutuka aʋo ʋanokubginya;
11
ʋatumŋa, kunyaŋge ʋanoʋapfuʋura nesimba noʋukuru, haʋaʋuyi pamberi paShe nemhoȿa yokuʋapomera nayo.
12
Asi aʋa ɀaʋanotuka ɀaʋasiŋgaziʋi, ʋakaita semhuka dzisinomuraŋgariro, dzakaɓerekwa kuti dziɓatwe, dziparadzwe, naiʋo ʋacaparadzwa pakuʋora kwaʋo,
13
ʋaciitirwa ɀisakarurama, uri muɓairo wokusarurama kwaʋo; ʋanhu ʋanoti, kutamba masikati ndiɀo ɀinofadza, iʋo makwapa namaʋara, ʋanofara nokunyeŋgera kwaʋo kana ʋacidya nemi;
14
ʋanameso azere noʋupombge, asiŋgaregi kutadza; ʋanonyeŋgera ʋanhu ʋasinesimba; ʋanomŋoyo wakadzidziswa kuciʋa; iʋo ʋana ʋokutukwa;
15
ʋakasiya nzira yakarurama, ʋakatsauka, ʋakateʋera nzira yaBarami, mŋanakomana waBeori, wakaɗa muɓairo wokusarurama;
16
asi wakarairwa pamsoro pokuɗarika kwake, nokuti mboŋgoro, isiŋgagoni kutaura, yakataura nenzwi romunhu, ikadziʋisa kupeŋga kwomuprofita.
17
Iʋaʋa matsime asinemvura, mhute rinodziŋgwa nemhepo; iʋo ʋakaceŋgetererwa kuȿiɓa kwerima.
18
Nokuti nokutaura kwaʋo mashoko mazhinji okuɀikudza asinamaturo, ʋanonyeŋgera pakuciʋa kwenyama noʋutere, aʋo ʋacaŋgotiza ʋacibva kunaʋanogara pakutsauka;
19
ʋaciʋapikira kusunuŋgurwa, nyamba iʋo ʋamene ʋaranda ʋokuʋora; nokuti waakundwa naye, munhu unoitwa muranda wake.
20
Nokuti iʋo, kana nenzira yokuziʋa Ishe, Muponesi Jesu Kristu, ʋambotiza haʋo ɀinoȿiɓisa ɀenyika, kana ʋakaɓatwa nokukundwa ɀe naɀo, kuguma kwaʋo kwaipa kupfuʋura kutaŋga kwaʋo.
21
Nokuti ɀaiʋa nani kwaʋari kana ʋasaiziʋa nzira yokururama, pakuti ʋadzoke pamurairo mutȿene waʋakapiwa, waʋakaŋga ʋambouziʋa haʋo.
22
Ɀinorebga neshumo yaɀokwaɗi ndiɀo ɀakaitwa kwaʋari, ɀinoti: Imbga yakadzokera kumarutsi ayo, neŋguruʋe yakaŋga yashambidzwa, kukuʋumburuka mumatope.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3