bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Timothy 1
2 Timothy 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
1
Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuɗa kwaMŋari, nokuɗa kwecipikirwa coʋupenyu bguri munaKristu Jesu,
2
kunaTimotio, mŋana waŋgu unoɗikanwa: Nyasha, neŋgoni, norugare, ɀinobva kunaMŋar Ƃaɓa, naKristu Jesu, Ishe weɗu, ŋgaɀiʋe newe.
3
Ndinoʋoŋga Mŋari, wandinoshumira samadziteteguru aŋgu, nehana yakacena, kana ndiciramba ndicikuraŋgarira pakukumbira kwaŋgu ʋusiku namasikati,
4
ndicishuʋa ɀikuru kukuʋona, ndiciraŋgarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nomufaro;
5
ndiciyeʋudzwa kutenda kusiŋganyeŋgeri kuri mauri, kwaimbogara munambuya ʋako, ʋaRoisi, nomunamai ʋako, ʋaJuniki, kwandinoziʋa kwaɀo kuti kunogara ʋo mauri.
6
Nemhaka iyi ndinokuyeʋudzira kuti ukucidzire cipiwa caMŋari ciri mauri nokuiswa kwamaʋoko aŋgu.
7
Nokuti Mŋari haana‐kutipa mŋeya wokutya, asi wesimba, noworuɗo, nowokuɀidzora.
8
Naiɀoɀo usanyadziswa nokupupurira Ishe weɗu, kana ini, musuŋgwa wake, asi utambudzike pamŋe cete neni nokuɗa kweEvaŋgeri nesimba raMŋari,
9
wakatiponesa, akatiɗana nokuɗana kutȿene, ɀisiŋgabvi pamaɓasa eɗu, asi nokufuŋga kwake, nenyasha dzaakatiitira munaKristu Jesu ŋguʋa dzisati dzaʋa’po,
10
asi kwakaratidzwa ɀino nokuʋonekwa kwoMuponesi weɗu, Kristu Jesu, iye wakaparadza rufu, akaɓuɗisa pacena ʋupenyu nokusaʋora nenzira yeEvaŋgeri,
11
yandakaitwa muparidzi, nomuapostora, nomudzidzisi wayo.
12
Nemhaka iyi ndinotambudzika ʋo neɀinhu iɀi, asi handinyadziswi, nokuti ndinoziʋa wandakatenda, ndinoziʋa kwaɀo kuti unogona kuceŋgeta candakamupa kuȿikira zuʋa irero.
13
Ƃatisisa ɀawakaratidzwa ɀamashoko akarurama, iɀo ɀawakanzwa kwandiri mukutenda noruɗo ruri munaKristu Jesu.
14
Ico cakanaka, cawakapiwa, uciceŋgete noMŋeya Mutȿene unogara matiri
15
Unoɀiziʋa hako kuti ʋose ʋari paAsia ʋakandifuratira; pakati paʋo panaFigero naHermogene.
16
Ishe ŋgaaitire imba yaOnesiforo ŋgoni, nokuti kazhinji wakandisimbisa, asiŋganyadziswi neketani yaŋgu.
17
Asi wakati aȿika Roma, akanditȿaka ɀikuru, akandiwana.
18
(Ishe ŋgaamuitire cinhu ici kuti awane ŋgoni kunaShe nezuʋa irero); newe unoziʋa kwaɀo ʋukuru bgokushumira kwake paEfeso.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4