bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Timothy 4
2 Timothy 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
1
Ndinokupupurira kwaɀo pamberi paMŋari, naKristu Jesu, iye ucatoŋga ʋapenyu naʋakafa pakuʋonekwa kwake noʋushe bgake;
2
paridza shoko; ramba uciɗaro neŋguʋa yakafanira, kunyaŋge isakafanira; raira, tuka, raŋga nomŋoyo murefu ɀikuru nokudzidzisa.
3
Nokuti ŋguʋa icaȿika yaʋacaramba kutendera dzidziso yakarurama, asi, ʋaciɗa kufadzwa panzeʋe dzaʋo, ʋacaɀiʋuŋganidzira ʋadzidzisi pakuciʋa kwaʋo,
4
ʋacifuratidza nzeʋe dzaʋo paɀokwaɗi, ʋacitsaukira kuŋgano.
5
Asi iwe ȿinura paɀinhu ɀose, tambudzika, ɓata ɓasa romuevaŋgeri, upedzise ɓasa rako kwaɀo.
6
Nokuti ini ndotoɗururwa, ŋguʋa yokuenda kwaŋgu yaȿika.
7
Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwaŋgu, ndakaceŋgeta kutenda;
8
Kubva ɀino ndakaceŋgeterwa korona yokururama, yandicapiwa naShe, Mutoŋgi wakarurama, nezuʋa irero; ndisini ndoga, asi naʋose ʋakaɗa kusinehanya kwake.
9
Shiŋgaira kuti ukurumidze kuʋuya kwandiri.
10
Nokuti Demasi wakandisiya, akaɗa nyika yaɀino, akaenda Tesaronika; Kreske wakaenda Garatia, naTito wakaenda Darmatia.
11
Ruka oga uneni. Tora Marko uʋuye naye, nokuti unondiɓatsira kwaɀo paɓasa.
12
Asi Tikiko ndakamutuma Efeso.
13
Ŋguʋo yandakasiya paTroa kunaKarpo, uʋuye nayo pakuʋuya kwako, nebuku, ɀikuru magwaro amatebge.
14
Areksandro, mupfuri wendarira, wakandiitira ɀakaipa ɀizhinji; Ishe ucamutsiʋa paakaita napo;
15
newe ʋo umucenjere, nokuti wakadziʋisa ɀikuru mashoko eɗu.
16
Pakuɀiɗaʋirira kwaŋgu kwokutaŋga kwakaŋga kusinomunhu wakandiɓatsira, asi ʋose ʋakandisiya. Ŋgaʋarege kuraʋirwa iɀoɀi.
17
Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwaɀo kuparidza kwaŋgu, ʋahedeni ʋose ʋanzwe; ndikarwirwa pamuromo weshumba.
18
Ishe ucandirwira pamaɓasa ose akaipa, ucandiponesa ndipinde ʋushe bgake bgokuɗeŋga; kubginya ŋgakuʋe kwaari nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.
19
Ndi kwazisirei Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo.
20
Erasto wakasara paKorinte, asi Trofimo ndakamusiya paMireto acirwara.
21
Shiŋgaira kuʋuya, cando cisati caȿika. Yuburo, naPude, naRina, naKraudia nehama dzose ʋanokukwazisa.
22
Ishe ŋgaaʋe nomŋeya wako. Nyasha ŋgadziʋe nemi.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
All chapters:
1
2
3
4