bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Timothy 2
2 Timothy 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
1
Naiɀoɀo iwe, mŋana waŋgu, iʋa nesimba munyasha dziri munaKristu Jesu.
2
Iɀo ɀawakanzwa kwandiri pamberi peɀapupu ɀizhinji, uɀipe ʋanhu ʋakatendeka, ʋanogona ʋo kudzidzisa ʋamŋe.
3
Utambudzike pamŋe cete neni, somurwi wakanaka waKristu Jesu.
4
Hakunomunhu unorwa papfumo unoɀipiŋganidza namaɓasa oʋupenyu bguno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo.
5
Nomunhu ʋo kana aciʋiʋana naʋamŋe, haashoŋgedzwi korona, kana asina‐kuʋiʋana seɀakarairwa.
6
Murimi unoɓate‐ɓasa ndiye unofanira kutaŋga kudya ɀiɓereko.
7
Fuŋga ɀandinoreʋa, nokuti Ishe ucakupa kunzwisisa paɀinhu ɀose.
8
Raŋgarira Jesu Kristu wakamuka kuʋakafa, worudzi rwaDavidi, seɀa ndinoparidza paEvaŋgeri yaŋgu;
9
yandinotambudzikira kuȿikira pakusuŋgwa somunyaŋgadzi; asi shoko raMŋari harinakusuŋgwa.
10
Saka ndinotsuŋgirira paɀinhu ɀose nokuɗa kwaʋakasanaŋgurwa, kuti naiʋo ʋawane kuponeswa kuri munaKristu Jesu, pamŋe cete nokubginya kusiŋgaperi.
11
Ishoko raɀokwaɗi; nokuti kana tikafa pamŋe cete naye, ticararama ʋo pamŋe cete naye.
12
Kana tikatsuŋgirira, ticaɓata ʋushe pamŋe cete naye; kana tikamuramba, iye ucatiramba ʋo.
13
Kana isu tisakatendeka, iye unoramba akatendeka, nokuti haaŋgaɀirambi iye.
14
U ʋa yeʋudzire ɀinhu iɀi, u ʋa raire pamberi paMŋari, kuti ʋarege kuita nharo ɀisinamaturo, ɀinoŋgoparadza ʋanonzwa.
15
Shiŋgaira kuti uɀiratidze pamberi paMŋari uri munhu wakatendeka, muɓati usiŋgafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko raɀokwaɗi.
16
Nɀeŋga kutaura kusinehanya naMŋari; nokuti ʋacaramba ʋaciŋgonyanya pakusanamata Mŋari,
17
neshoko raʋo ricanyeŋga seronda; pakati paʋo kunaHimenayo naFireto;
18
iʋo ʋakarashika paɀokwaɗi, ʋaciti, kumuka kwaʋakafa kwatopfuʋura, ʋacikaŋganisa kutenda kwaʋamŋe.
19
Kunyaŋge ɀakaɗaro, nheyo dzakasimba dzaMŋari dzinomira, dzinecisimbiso ici: Ishe unoziʋa ʋanhu ʋake; ʋuye: Mumŋe nomumŋe unoreʋa zita raShe ŋgaabve pakusarurama.
20
Ɀino muimba huru hamunamidziyo yendarama neyesirveri ɓedzi, asi mimŋe yamatanda ʋo, neyevu; mimŋe inokudzwa, mimŋe isiŋgakudzwi.
21
Naiɀoɀo kana munhu aciɀinatsa kwaɀo paɀinhu iɀi, ucaʋa mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutȿene, wakakwanira ɓasa raTenzi, wakagadzirirwa maɓasa ose akanaka.
22
Asi tiza kuciʋa kwoʋujaya, uʋiŋge kururama, nokutenda, noruɗo, norugare, pamŋe cete naʋanoɗana kunaShe nomŋoyo wakacena.
23
Asi urambe mibvunzo yoʋupenzi nokusaziʋa, uciziʋa kuti ɀinoɓereka kukakaʋara.
24
Ɀino muranda waShe haafaniri kukakaʋara, asi aʋe munyoro kuʋanhu ʋose, unoziʋa kudzidzisa, unotsuŋgirira pakuitirwa ɀakaipa,
25
unodzidzisa noʋunyoro aʋo ʋano mu dziʋisa, kuti ɀimŋe Mŋari aʋape kutendeʋuka ʋagoziʋa ɀokwaɗi,
26
ʋapeŋgenuke ɀe, ʋabve pamusuŋgo waDiaborosi, waʋakaŋga ʋakaɓatwa naye kuti ʋaite kuɗa kwake.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
Recommended Reading
Commentary
2 Timothy Commentaries
→
Devotional
2 Timothy Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→