bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Colossians 1
Colossians 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
1
Pauro, muapostora waKristu Jesu nokuɗa kwaMŋari, naTimotio, hama yeɗu,
2
kuʋatȿene nehama dzakatendeka munaKristu ʋari paKorose: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu.
3
Tinoʋoŋga Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, ŋguʋa dzose kana ticikunyeŋgetererai,
4
ɀatakanzwa ɀokutenda kwenyu munaKristu Jesu, noruɗo rwamunarwo kuʋatȿene ʋose,
5
pamsoro petariro yamakaceŋgeterwa kuɗeŋga, yamakanzwa kare pashoko reɀokwaɗi reEvaŋgeri;
6
iyo yakaȿika kwamuri, seɀa yakaȿika panyika yose ʋo; iciɓereka ɀiɓereko, icikura, seɀa inoita kwamuri ʋo, kubvira pazuʋa ramakanzwa nokuziʋa kwaɀo nyasha dzaMŋari muɀokwaɗi;
7
seɀamakadzidza kunaEpafrasi, muranda pamŋe cete nesu, unoɗikanwa, mushumiri wakatendeka waKristu nokuɗa kwenyu,
8
iye wakatiʋudza ʋo ɀoruɗo rwenyu muMŋeya.
9
Saka nesu ʋo, kubvira pazuʋa ratakanzwa, hatiregi kukunyeŋgetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziʋa kwaɀo kuɗa kwake, pakucenjera nokunzwisisa kwose kwomŋeya;
10
kuti mufambe seɀinofanira Ishe, muci mu fadza paɀose, muciɓereka ɀiɓereko pamaɓasa ose akanaka, mucikura pakuziʋa Mŋari kwaɀo;
11
mucisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubginya kwake, muʋe nomŋoyo murefu, nomufaro;
12
muʋoŋge Ƃaɓa, ʋakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yaʋatȿene muciedza;
13
ʋakatisunuŋgura pasimba rerima, ʋakatiisa muʋushe bgoMŋanakomana woruɗo rwaʋo;
14
watinedzikinuro maari, ndiko kukaŋganwirwa kweɀiʋi ɀeɗu.
15
Ndiye mufananidzo waMŋari usiŋgaʋonekwi, ɗaŋgwe reɀisikwa ɀose;
16
nokuti maari ɀinhu ɀose ɀakasikwa, ɀiri kuɗeŋga napanyika, ɀinoʋonekwa neɀisiŋgaʋonekwi, kana ɀiri ɀigaro ɀoʋushe, kana ʋushe, kana ʋaɓati, kana masimba; ɀinhu ɀose ɀakasikwa naye, ɀiri’po nokuɗa kwake.
17
Ndiye unotaŋgira ɀose, ɀose ɀakaɓatana maari.
18
Ndiye musoro womuʋiri, ndiyo kereke; ndiye wokutaŋga, ɗaŋgwe raʋakamuka kuʋakafa; kuti iye aʋe mukuru paɀinhu ɀose.
19
Nokuti Ƃaɓa ʋakafara naɀo, kuti kuzara kwose kugare maari,
20
kuti naye ayananise ɀinhu ɀose kwaari, amboita rugare neropa romucinjikwa wake; naiye, kunyaŋge ɀiri panyika, kunyaŋge ɀiri kuɗeŋga.
21
Nemi ʋo, kare maiʋa ʋaeni naʋaʋeŋgi pakufuŋga kwenyu pamaɓasa enyu akaipa,
22
asi ɀino waka ku yananisai pamuʋiri wenyama yake, nokufa kwake, kuti akuisei pamberi pake muri ʋatȿene, musinemhoȿa, musiŋgapomerwi,
23
kana muciŋgorambira pakutenda, makateyiwa, mumire makasimba, musiŋgabviswi patariro yeEvaŋgeri yamakanzwa, yakaparidzirwa ɀisikwa ɀose pasi pokuɗeŋga; iyo Eʋaŋgeri yandakaitwa mushumiri wayo, ini Pauro.
24
Ɀino ndinofara pakutambudzika kwaŋgu nokuɗa kwenyu, ndicizadzisa panyama yaŋgu ɀakasara pamaɗambudziko aKristu, nokuɗa kwomuʋiri wake, iyo kereke;
25
iyo yandakaitwa mushumiri wayo seɀandakagoʋerwa naMŋari pamsoro penyu, kuti ndizadzise shoko raMŋari;
26
ndico cakaʋanzika, cakaŋga cakafukidzwa kubvira pakutaŋga kweŋguʋa nendudzi, asi ɀino cakaratidzwa ʋatȿene ʋake;
27
kunaiʋo Mŋari waakaɗa kuʋaziʋisa ʋufumi bgokubginya kwecakaʋanzika icoci pakati paʋahedeni, cokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubginya;
28
iye watinoparidza isu, ticiraira munhu mumŋe nomumŋe, ticidzidzisa munhu mumŋe nomumŋe noʋucenjeri bgose, kuti tiise munhu mumŋe nomumŋe akakwana munaKristu;
29
ndiɀo ɀandinoɓatira ʋo, ndicirwa, ɀiciitwa nokuɓata kwake kunoɓata mukati maŋgu nesimba.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4