bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Colossians 2
Colossians 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
1
Nokuti ndinoɗa kuti muziʋe kurwa kukuru kwandinako pamsoro penyu, naʋari paRaodikia, naʋose ʋasina‐kumboʋona ciso caŋgu panyama;
2
kuti mŋoyo yaʋo isimbiswe, ʋasuŋganidzwe muruɗo, ʋaʋe nefuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti ʋaziʋe kwaɀo cakaʋanzika caMŋari, iye Kristu;
3
maari fuma yose yoʋucenjeri nokuziʋa yakaceŋgetwa.
4
Ndinoreʋa iɀi, kuti kurege kuʋa nomunhu unokurashai namashoko anonyeŋgera.
5
Nokuti kunyaŋge ndisi’po panyama, ndiri’po nemi pamŋeya, ndinofara ndiciʋona kunzwana kwenyu, nokusimba kwokutenda kwenyu munaKristu.
6
Naiɀoɀo seɀamakagamucira Kristu Jesu, Ishe, fambai maari,
7
munemidzi yenyu nokuʋakwa kwenyu maari, makasimbiswa pakutenda, seɀamakadzidziswa, mucinyanya kuʋoŋga.
8
Cenjerai, kuti murege kutapxa nomunhu noʋucenjeri, nokunyeŋgera kusinamaturo, aciteʋera tsika dzaʋanhu neɀokuʋamba ɀenyika, asiŋgateʋeri Kristu.
9
Nokuti kuzara kwoʋuMŋari kunogara maari pamuʋiri.
10
Maari nemi ʋo makazadzwa, iye musoro waʋaɓati ʋose namasimba;
11
iye wamakadziŋgiswa ʋo maari nokudziŋgiswa kusiŋgaitwi namaʋoko, muʋiri wenyama ucibviswa, nokudziŋgiswa kuri kwaKristu;
12
makaʋigwa pamŋe cete naye pakubapatidzwa, pamakamutswa ʋo pamŋe cete naye nokutenda kwenyu simba raMŋari wakamumutsa kuʋakafa.
13
Nemi, imi makaŋga makafa pakuɗarika kwenyu napakusadziŋgiswa kwenyama yenyu, wakakupai ʋupenyu pamŋe cete naye, akatikaŋganwira kuɗarika kweɗu kwose,
14
akadzima rugwaro rwakaŋga rucirwa nesu paɀireʋo ɀarwo, rucipesana nesu; akarubvisa irwo pakati peɗu, akaruroʋera pamucinjikwa;
15
akaparadza ʋaɓati namasimba, akaʋaɓuɗisa pacena, akaʋakunda mauri.
16
Naiɀoɀo munhu ŋgaarege kuʋa’po unokutoŋgai paɀokudya, kana ɀokunwa, kana nokuɗa kwomusi womutambo, kana pakugara kwomŋedzi, kana pasaɓata;
17
iɀi mumvuri weɀicaʋuya; asi muʋiri ndowaKristu.
18
Munhu ŋgaarege kuʋa’po unokutorerai muɓairo wenyu namaʋune, nokuɀininipisa nokunamata ʋatumŋa, aciʋimba neɀaakaʋona, aciɀikudza pasina nokufuŋga kwenyama,
19
asiŋgaɓatisisi Musoro, uyo, maari muʋiri wose unosimbiswa nokusuŋganidzwa neɀisuŋgo namarunda, ndokukura nokukurisa kwaMŋari.
20
Ɀino kana makafa pamŋe cete naKristu kuneɀokuʋamba ɀenyika, munoɀiisireiko pasi pemirairo, somugere munyika,
21
mirairo inoti: usaɓata, usaraʋira, usagunɀa,
22
(iɀi ɀose ɀinofanira kuparadzwa kana ɀoɓatwa naɀo); muciteʋera mirairo nedzidziso dzaʋanhu?
23
Ɀinhu ɀakaɗai ɀakaita seɀinoʋucenjeri, pakunamata Mŋari nokuɗa kwaʋo, nokuɀininipisa, nokutambudza muʋiri; asi haɀinesimba rokukunda kuciʋa kwenyama.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4