bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Colossians 3
Colossians 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
1
Naiɀoɀo, kana makamutswa pamŋe cete naKristu, tȿakai ɀiri kumsoro, uko kunaKristu, ugere kurudyi rwaMŋari.
2
Fuŋgai ɀiri kumsoro, musafuŋga ɀiri pasi.
3
Nokuti makafa, ʋupenyu bgenyu bgakaʋigwa pamŋe cete naKristu munaMŋari.
4
Kana Kristu, iye ʋupenyu bgeɗu, aciʋonekwa, nemi ʋo mucaʋonekwa pamŋe cete naye pakubginya.
5
Naiɀoɀo ʋurayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Ʋupombge, netȿina, nokushumba, nokuɗa ɀakaipa, nokuciʋa, ndiko kunamata ɀifananidzo.
6
Nokuɗa kwaiɀoɀi kutsamŋa kwaMŋari kunoʋuya pamsoro paʋana ʋokusaterera;
7
nemi ʋo maifamba maɀiri kare, maigara muɀinhu iɀi.
8
Asi ɀino, imi ʋo, bvisai iɀi ɀose, ɀinoti: Hasha, nokutsamŋa, nokuʋeŋga, nokutuka, nokutaura ɀinonyadzisa nomuromo wenyu.
9
Regai kureʋerana nhema, ɀamakabvisa munhu wekare namaɓasa ake,
10
mukafuka munhu mutȿa, unoʋandudzwa pakuziʋa, afanane nowakamusika;
11
apo hapana‐muGiriki nomuJuda, kudziŋgiswa nokusadziŋgiswa, mutorwa nomuSitia, musuŋgwa nowakasunuŋguka; asi Kristu ndiye ɀose, ʋuye uri munaʋose.
12
Naiɀoɀo, saʋasanaŋgurwa ʋaMŋari, ʋatȿene naʋanoɗikanwa, fukai mŋoyo unetsitsi, nomŋoyo munyoro, nokusaɀikudza, noʋunyoro, nomŋoyo murefu;
13
muitirane mŋoyo murefu, mucikaŋganwirana, kana munhu anemhoȿa nomumŋe; Ishe seɀaakakukaŋganwirai, muite saiɀoɀo nemi ʋo.
14
Ɀino pamsoro peɀinhu iɀi ɀose fukai ruɗo, ndico cisuŋgo cinokwanisa.
15
norugare rwaKristu ŋgaruteme ɀireʋo mumŋoyo yenyu, ndirwo rwamakaɗanirwa ʋo mumuʋiri mumŋe; iʋai nokuʋoŋga.
16
Shoko raKristu ŋgarigare mukati menyu riwande; nokucenjera kwose mudzidzisane, nokurairana namapisarema, nenziyo, neɀiimbo ɀomŋeya, muimbire Mŋari nenyasha mumŋoyo menyu;
17
ʋuye ɀose ɀamunoita, kana ɀiri ɀeshoko kana ɓasa, itai ɀose nezita raShe Jesu, muciʋoŋga Mŋari Ƃaɓa naye.
18
Ʋakadzi, muɀiise pasi paʋarume ʋenyu, seɀaɀakafanira munaShe.
19
Ʋarume, iɗai ʋakadzi ʋenyu, regai kuʋa nehasha naʋo.
20
Ʋana, tererai ʋaɓereki ʋenyu paɀinhu ɀose, nokuti ndiɀo ɀakanaka munaShe.
21
Madziɓaɓa, regai kunetsa ʋana ʋenyu, kuti ʋarege kuʋora mŋoyo.
22
Ʋaranda, tererai paɀinhu ɀose ʋatenzi ʋenyu panyama; regai kuɓata pamberi pameso aʋo, saʋafadzi ʋaʋanhu, asi nomŋoyo wakarurama mucitya Ishe.
23
Ɀose ɀamunoita, muɀiitei nomŋoyo wose, sokunaShe, musiŋgaitiri ʋanhu;
24
muciziʋa kuti mucapiwa naShe muɓairo wenhaka; nokuti munoɓatira Ishe Kristu.
25
Nokuti unoita ɀisakarurama, ucapiwa ɀisakarurama ɀaakaita; haɀizi ɀinoʋonekwa ɀomunhu ɀinotendwa.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4