bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ephesians 3
Ephesians 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 4 →
1
Nemhaka iyi, ini Pauro, ndiri musuŋgwa waKristu Jesu nokuɗa kwenyu, imi ʋahedeni, —
2
kana makanzwa henyu kugoʋerwa kwenyasha dzaMŋari dzandakapiwa pamsoro penyu;
3
kuti ɀakaŋga ɀakaʋanzika ɀakandiziʋiswa pakuzarurirwa, seɀandakambokunyorerai namashoko mashoma;
4
kana muciaraʋa iwo, muŋgaʋona kuziʋa kwaŋgu paneɀakaʋanzika ɀaKristu;
5
ɀakaŋga ɀisina‐kuziʋiswa ʋanakomana ʋaʋanhu panedzimŋe ŋguʋa, seɀaɀakazarurirwa ʋaapostora ʋatȿene, naʋaprofita ɀino muMŋeya;
6
ɀokuti: Ʋahedeni ʋadyi ʋenhaka pamŋe cete nesu, nemitezo yomuʋiri pamŋe cete nesu, ʋakagoʋerwa ʋo pamŋe cete nesu cipikirwa munaKristu Jesu neEvaŋgeri;
7
yandakaitwa mushumiri wayo necipo cenyasha dzaMŋari, candakapiwa nokuɓata kwesimba rake.
8
Ini, muɗuku kwaɀo kuʋatȿene ʋose, ndakapiwa nyasha idzi, kuti ndiparidzire ʋahedeni fuma isiŋganɀerwi yaKristu,
9
nokuratidza ʋose kuti kugoʋerwa kwakaɗiniko kweɀakaʋanzika, ɀakaŋga ɀakafukidzwa munaMŋari, wakasika ɀose, kubva paŋguʋa yokutaŋga;
10
kuti ɀino ʋaɓati naʋanesimba kuɗeŋga ʋaziʋiswe nekereke kucenjera kukuru kwaMŋari;
11
secireʋo cokutaŋga‐taŋga caakatema munaKristu Jesu, Ishe weɗu;
12
maari tinokutsuŋga kweɗu nokupinda kweɗu tisiŋgatyi, nokutenda kwake.
13
Saka ndinokumbira kuti murege kupera mŋoyo nokutambudzika kwaŋgu pamsoro penyu; ndiko kukudzwa kwenyu.
14
Nemhaka iyi ndinofugama namabvi aŋgu kunaƂaɓa,
15
aʋo, rudzi rwose kuɗeŋga napanyika runotumidzwa nezita raʋo,
16
kuti ʋakupei pafuma yokubginya kwaʋo kukuru, simba kuti musimbiswe noMŋeya waʋo mumunhu womukati;
17
kuti Kristu agare pamŋoyo yenyu nokutenda; kuti imi, munemidzi yenyu nenheyo dzenyu muruɗo;
18
muʋe nesimba rokunzwisisa pamŋe cete naʋatȿene ʋose, kuti kufara, nokureɓa, nokukwirira, nokudzika kwakaɗiniko,
19
nokuziʋa ruɗo rwaKristu, runopfuʋura kuziʋa, kuti muzadziswe nokuzara kwose kwaMŋari.
20
Ɀino, iye unesimba rokuita ɀikuru kwaɀo ɀinopfuʋura ɀose ɀatinokumbira kana ɀatinofuŋga, nesimba rinoɓata mukati meɗu,
21
ŋgaaʋe nokubginya mukereke munaKristu Jesu, kuȿikira kumarudzi ose nokusiŋgaperi‐peri, Ameni.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6