bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ephesians 4
Ephesians 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 5 →
1
Naiɀoɀo ini musuŋgwa munaShe, ndinokumbira ɀikuru kuti mufambe ɀakafanira kuɗanwa kwamakaɗanwa nako,
2
nokuɀininipisa kwose noʋunyoro, nomŋoyo murefu, muciitirana mŋoyo murefu muruɗo;
3
mucishiŋgaira kuceŋgeta ʋumŋe bgoMŋeya mucisuŋgo corugare.
4
Kunomuʋiri mumŋe, noMŋeya mumŋe, seɀamakaɗanwa ʋo mutariro imŋe yokuɗanwa kwenyu;
5
Ishe mumŋe, nokutenda kumŋe, norubapatidzo rumŋe,
6
naMŋari mumŋe, naƂaɓa ʋaʋose, uri pamsoro paʋose, unoɓata naʋose, uri mukati maʋose.
7
Asi mumŋe nomumŋe weɗu wakapiwa nyasha neciyero cecipo caKristu.
8
Naiɀoɀo unoti: Wakakwira kumsoro akatapa ʋatapxa, Akapa ʋanhu ɀipo.
9
(Ɀino kuti: Wakakwira, cinyiko, asi kuti, wakaɓuruka ʋo kumatiʋi ari pasi penyika?
10
Wakaɓuruka ndiye wakakwira ʋo kumsoro‐soro kweɗeŋga rose, kuti azadzise ɀose).
11
Ɀino wakapa ʋamŋe kuti ʋaʋe ʋaapostora, ʋamŋe ʋaprofita, ʋamŋe ʋaevaŋgeri, ʋamŋe ʋafudzi naʋadzidzisi;
12
kuti ʋatȿene ʋakwanisirwe ɓasa raʋo rokushumira, nerokuʋaka muʋiri waKristu;
13
kudzimana isu tose tiȿike paʋumŋe bgokutenda nokuziʋa Mŋanakomana waMŋari, napamunhu wakura, napaciyero coʋukuru bgokuzara kwaKristu;
14
kuti tirege kuramba ticiŋgoʋa ʋacece, ticizunuŋguswa nokudziŋgwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyeŋgera kwaʋanhu, namano, kuti ʋatsause nokunyeŋgera;
15
asi tireʋe ɀokwaɗi muruɗo, tigokura maari paɀose, iye Kristu, Musoro;
16
muʋiri wose wakasoŋganiswa ɀakanaka maari nokuɓatanidzwa nenheŋgo dzose dzinosimbisa, mutezo mumŋe nomumŋe uciɓata neciyero cawo, kuti muʋiri ukuriswe pakuʋakwa kwawo muruɗo.
17
Naiɀoɀo ndinoreʋa nokupupura cinhu ici munaShe, ndiciti, musaramba mucifamba saʋahedeni, ʋanofamba ʋo noʋupenzi bgokuraŋgarira kwaʋo,
18
ʋakaȿiɓirwa pakunzwisisa kwaʋo, ʋari ʋatorwa paʋupenyu bgaMŋari nokuɗa kwokusaziʋa kuri mukati maʋo, nokuɗa kwoʋukukutu bgomŋoyo yaʋo;
19
ʋakaɀipa ʋasinehanya kuʋutere, kuti ʋaɓate maɓasa ose etȿina nokuciʋa.
20
Asi imi hamuna‐kudzidza Kristu saiɀoɀo,
21
kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri ɀokwaɗi munaJesu:
22
kuti pamufambire wenyu wokutaŋga mubvise munhu wekare, unoʋodzwa nokuciʋa kwokunyeŋgera;
23
muʋandudzwe mumŋeya wokuraŋgarira kwenyu,
24
mufuke munhu mutȿa, wakasikwa akafanana naMŋari pakururama, noʋutȿene bgeɀokwaɗi.
25
Naiɀoɀo bvisai nhema, mutaure ɀokwaɗi, mumŋe nomumŋe kunowokwake; nokuti tiri mitezo, mumŋe womumŋe.
26
Tsamŋai, musiŋgatadzi; zuʋa ŋgarirege kuʋira mucakatsamŋa;
27
musapa Diaborosi nɀimbo.
28
Wakaɓa, ŋgaarege kuɓa ɀe; asi ɀirinani kuti atambudzike, aɓate namaʋoko ake ɓasa rakanaka, kuti aʋe necaaŋgapa unoshaiwa.
29
Mumuromo menyu murege kuɓuɗa shoko rakaʋora, asi rakanaka, riŋgasimbisa pakafanira, riʋigire nyasha aʋo ʋanonzwa.
30
Regai kucemedza Mŋeya Mutȿene waMŋari, wamakaisirwa cisimbiso maari kuȿikira pazuʋa rokudzikinurwa.
31
Shuŋgu dzose, nokutsamŋa, nehasha, nokupopota, nokutuka, neɀakaipa ɀose, ŋgaɀibviswe kwamuri;
32
muitirane mŋoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukaŋganwirane, seɀamakakaŋganwirwa naMŋari munaKristu.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6