bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Ephesians 5
Ephesians 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
1
Naiɀoɀo iʋai ʋateʋeri ʋaMŋari saʋana ʋanoɗikanwa;
2
fambai muruɗo, Kristu seɀaakakuɗai ʋo, akaɀipa nokuɗa kweɗu, kuti aʋe cipo neciɓayiro kunaMŋari, ɀiite bgema bgunonhuwira.
3
Asi ʋupombge, netȿina yose, kana kuciʋa, ŋgaɀirege kurebga pakati penyu, seɀinofanira ʋatȿene;
4
neɀakaipa, nokutaura ɀoʋupenzi, nokunemera, iɀo ɀisina‐kufanira; asi ɀirinani kuʋoŋga.
5
Nokuti munoziʋa kwaɀo, kuti hakunemhombge, kana munhu unetȿina, kana unociʋa, ndiye unonamata ɀifananidzo, uŋgadya nhaka muʋushe bgaKristu naMŋari.
6
Ŋgakurege kuʋa nomunhu unokunyeŋgerai namashoko asinamaturo; nokuti nemhaka yeɀinhu iɀi kutsamŋa kwaMŋari kunoʋuya pamsoro paʋanakomana ʋokusaterera.
7
Naiɀoɀo regai kushamŋaridzana naʋo;
8
nokuti kare maiʋa rima, asi ɀino muri ciedza munaShe; fambai saʋana ʋeciedza.
9
(Nokuti ciɓereko ceciedza ciri mukunaka kwose, nokururama, neɀokwaɗi),
10
muciidza muziʋe ɀinofadza Ishe.
11
Regai kuyanana namaɓasa erima asineɀiɓereko, asi ɀirinani kuti muaraire;
12
nokuti iɀo, ɀinoitwa naʋo pakaʋanda, ɀinonyadza kana ɀicirebga.
13
Asi ɀinhu ɀose, kana ɀarairwa, ɀinoratidzwa neciedza; nokuti ɀose, ɀinoratidzwa, caʋa ciedza.
14
Saka iye unoti: Muka iwe uʋete, muka kuʋakafa, Kristu ucakuvenekera.
15
Naiɀoɀo cenjerai kwaɀo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba saʋasinakucenjera asi saʋakacenjera;
16
muŋgwarire ŋguʋa yenyu, nokuti mazuʋa akaipa.
17
Saka musaʋa mapenzi, asi muziʋe kuɗa kwaShe.
18
Regai kuɓatwa newaini, nokuti ndipo panokusaɀidzora, asi muzadzwe noMŋeya;
19
mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, neɀiimbo ɀoMŋeya, muimbire, muridzire Ishe mumŋoyo yenyu;
20
muciʋoŋga Mŋari, Ƃaɓa, ŋguʋa dzose pamsoro peɀinhu ɀose, muzita raShe weɗu, Jesu Kristu;
21
muciɀiisa mumŋe pasi pomumŋe, mucitya Kristu.
22
Imi ʋakadzi, muɀiise pasi paʋarume ʋenyu caiʋo, seɀa munoita kunaShe.
23
Nokuti murume musoro womukadzi, saKristu ʋo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuʋiri.
24
Asi kereke seɀairi pasi paKristu, ʋakadzi ŋgaʋaɗaro paɀinhu ɀose kuʋarume ʋaʋo.
25
Imi ʋarume, iɗai ʋakadzi ʋenyu, Kristu seɀaakaɗa ʋo kereke, akaɀipa nokuɗa kwayo;
26
kuti aiite tȿene aciinatsa nokushambidza kwemvura pashoko,
27
kuti aɀiisire pamberi pake kereke, inobginya, isinegwapa, kana kuwonyana, kana cinhu cakaɗai; asi iʋe tȿene, isinemhosa.
28
Saiɀoɀo ʋo ʋarume ʋanofanira kuɗa ʋakadzi ʋaʋo semiʋiri yaʋo. Unoɗa mukadzi wake, unoɀiɗa;
29
nokuti hakunomunhu wakatoŋgoʋeŋga nyama yake; asi unoipa ɀokudya nokuiceŋgeta, Kristu seɀa anoitira kereke;
30
nokuti isu tiri mitezo yomuʋiri wake.
31
Naiɀoɀo munhu ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, anamatire mukadzi wake; iʋaʋo ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe.
32
Cakaʋanzika ici, cikuru; asi ndinotaura ɀaKristu neɀekereke.
33
Asi imi ʋo, mumŋe nomumŋe ŋgaaɗe mukadzi wake seɀa anoɀiɗa iye; nomukadzi ŋgaatye murume wake.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6