bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
James 2
James 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
1
Hama dzaŋgu, kutenda kwenyu kunaShe weɗu Jesu Kristu, iye wokubginya, ŋgakurege kuʋa nokutenda ɀinoʋonekwa ɀomunhu.
2
Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu unemhete yendarama, akapfeka ŋguʋo dzakanaka, mukapinda ʋo murombo, wakapfeka ŋguʋo dzakaipa;
3
mukatarira uyo wakapfeka ŋguʋo dzakanaka, mukati: Gara pano pakanaka; mukati kumurombo: Mira papo, kana: Gara pasi pecitsiko cetsoka dzaŋgu;
4
ko hamuna‐kutsaura mumŋoyo yenyu, mukaʋa ʋatoŋgi ʋanemifuŋgo yakaipa here?
5
Inzwai, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa: Ko Mŋari haana‐kusanaŋgura ʋarombo ʋenyika here kuti ʋaʋe ʋafumi pakutenda, naʋadyi ʋenhaka yoʋushe bgaakapikira ʋanomuɗa?
6
Asi imi makaɀidza murombo. Ko haʋazi ʋafumi ʋanokuremedzai, naiʋo ʋanokukwirirai kuɀigaro ɀokutoŋga here?
7
Ko haʋazi iʋo ʋanomhura zita rakanaka ramunotumidzwa naro here?
8
Asi ɀino kana mucizadzisa murairo woʋushe, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Iɗa wokwako seɀaunoɀiɗa iwe, munoita ɀakanaka.
9
Asi kana mucitenda ɀinoʋonekwa ɀomunhu, munoita ɀiʋi, munopiwa mhoȿa nomurairo mucinzi ʋaɗariki.
10
Nokuti munhu unoceŋgeta murairo wose, akagumburwa kunecinhu cimŋe cete, waʋa nemhoȿa kuneɀose.
11
Nokuti iye, wakati: Usaita ʋupombge, ndiye ʋo, wakati: Usaʋuraya. Ɀino, kana usiŋgaiti ʋupombge, asi uciʋuraya, waʋa muɗariki womurairo.
12
Taurai, ʋuye itai saʋanhu ʋanozotoŋgwa nomurairo wokusunuŋgurwa.
13
Nokuti kutoŋga hakuŋgaʋi neŋgoni kunousina‐kuitira ʋamŋe ŋgoni; ŋgoni dzinoɀirumbidza dzicikunda kutoŋga.
14
Ɀinoɓatsirei hama dzaŋgu, kana munhu aciti: Ndinokutenda, asi asinamaɓasa? Ko kutenda uko kuŋgamuponesa here?
15
Kana kune hama, murume kana mukadzi, asina‐ɀokufuka, unoshaiwa ɀokudya zuʋa rimŋe nerimŋe,
16
mumŋe wenyu akati kwaʋari: Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute, musiŋgaʋapi iɀo ɀinoɗikanwa nomuʋiri, ɀinogoɓatsirei?
17
Saiɀoɀo, ʋo, nokutenda kana kusinamaɓasa, kwakafa hako.
18
Asi mumŋe uŋgati: Iwe unokutenda, neni ndinamaɓasa; ndiratidze kutenda kwako kusinamaɓasa, neni ndigokuratidza namaɓasa aŋgu kutenda kwaŋgu.
19
Iwe unotenda kuti Mŋari ndiye mumŋe cete; unoita ɀakanaka; mŋeya yakaipa inotenda ʋo iɀoɀo, iciɗeɗera.
20
Ɀino iwe munhu woʋupenzi, unoɗa kuziʋa here kuti kutenda kusinamaɓasa kwakafa?
21
Ko Abrahama, ɓaɓa ʋeɗu, haana‐kururamiswa namaɓasa here, ŋguʋa yaakaɓayira mŋanakomana wake Isaka paartari?
22
Unoʋona kuti kutenda kwake kwakaɓata pamŋe cete namaɓasa ake, ʋuye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namaɓasa;
23
rugwaro rukaitika, runoti: Abrahama wakatenda Mŋari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMŋari.
24
Munoʋona kuti munhu unoruramiswa namaɓasa, haaruramiswi nokutenda ɓedzi.
25
Saiɀoɀo ʋo, Rakabi, cifeʋe, haana‐kururamiswa here namaɓasa, ŋguʋa yaakaciŋgamidza nhume, nokuʋaendisa neimŋe nzira?
26
Nokuti somuʋiri usinomŋeya wakafa, saiɀoɀo kutenda kusinamaɓasa kwakafa ʋo.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5