bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
James 3
James 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
1
Hama dzaŋgu, musaʋa ʋadzidzisi ʋazhinji, ɀamunoziʋa kuti ticatoŋgwa nokupfuʋurisa.
2
Nokuti tinogumburwa tose paɀinhu ɀizhinji. Kana munhu asiŋgagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana, unogona kudzora muʋiri wose ʋo.
3
Ɀino kana ticiisa matare amabiza mumiromo yawo, kuti atiterere, tinodzora ʋo muʋiri wawo wose.
4
Tarirai magwa makuru, kunyaŋge ari makuru akaɗai, acidziŋgwa nemhepo dzinesimba guru, anodzorwa necidzoreso ciɗuku‐ɗuku kwose‐kwose nokuɗa kwomŋoyo womufambisi wawo.
5
Saiɀoɀo ʋo rurimi mutezo muɗuku, runoɀirumbidza ɀikuru. Tarirai, mŋoto muɗuku unotuŋgidza huni zhinji sei!
6
Rurimi mŋoto, rwakaita se nyika izere neɀisakarurama; ndiɀo ɀakaita rurimi pakati pemitezo yeɗu, runoȿiɓisa muʋiri wose, runotuŋgidza nzira yose yoʋupenyu, runotuŋgidzwa irwo neGehena.
7
Nokuti marudzi ose emhuka, neeshiri, neeɀinokambaira, neeɀiri muguŋgwa aŋgapiŋgudzwa, ʋuye akambopiŋgudzwa naʋanhu;
8
asi hakunomunhu uŋgapiŋgudza rurimi; ndico cinhu cakaipa cinoshanduka‐shanduka, cizere nomuti unoʋuraya.
9
Narwo tinorumbidza Ishe Ƃaɓa; narwo tinotuka ʋanhu, ʋakaitwa nomufananidzo waMŋari;
10
mumuromo mumŋe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzaŋgu, hatifaniri kuɗaro.
11
Tsime rinoɓuɗisa pacituɓu cimŋe mvura inonaka neinoʋaʋa here?
12
Hama dzaŋgu, muʋonde uŋgaɓereka maorivi, kana muzambiriŋga maʋonde here? Kunyaŋge nemvura inoʋaʋa haiŋgaɓuɗisi inonaka.
13
Ndiani pakati penyu wakacenjera, wakaŋgwara? Ŋgaaratidze nomufambire wake wakanaka maɓasa ake noʋunyoro bgoʋucenjeri.
14
Asi kana munegoɗo rinoʋaʋa norukaʋe mumŋoyo menyu, musaɀirumbidza nokureʋera ɀokwaɗi nhema.
15
Kucenjera uku hakuɓuruki kucibva kumsoro, asi ndokwenyika, kwatakamuka nako, kwomŋeya wakaipa.
16
Nokuti panegoɗo norukaʋe, ndi’po panenyoŋganiso namaɓasa ose akaipa.
17
Asi kucenjera, kunobva kumsoro, ɀikuru kwakacena, ʋuye kunorugare, kunyoro, kunoterera, kuzere neŋgoni neɀiɓereko ɀakanaka, kusiŋgatsauri kusiŋganyeŋgeri.
18
Ciɓereko cokururama cinodɀarwa parugare naʋanoita rugare.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5