bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
James 4
James 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
1
Kurwa nokukakaʋara pakati penyu ɀinobvepiko? Haɀibvi pakuciʋa kwenyu, kunorwa pamitezo yenyu here?
2
Munociʋa, asi hamune cinhu; munoʋuraya, munogoɗorana, musiŋgagoni kuwana cinhu; munokakaʋara, mucirwa; hamunecinhu, nokuti hamukumbiri.
3
Munokumbira, musiŋgapiwi; nokuti munokumbira ɀakaipa, kuti muɀiparadze pakuciʋa kwenyu.
4
Imi ʋoʋutere, hamuziʋi here kuti ʋushamŋari bgenyika bgunoʋeŋgana naMŋari? Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe, unoɗa kuʋa shamŋari yenyika, unoɀiita muʋeŋgi waMŋari.
5
Munofuŋga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruciti: Mŋeya, waakagarisa mukati meɗu uno ti shuʋa negoɗo?
6
Asi unopa nyasha dzakapfuʋura. Saka Rugwaro runoti: Mŋari unodziʋisa ʋanoɀikudza, asi unopa nyasha ʋanoɀininipisa.
7
Naiɀoɀo muɀiise pasi paMŋari: dziʋisai Diaborosi, agokutizai.
8
Sweɗerai kunaMŋari, iye agosweɗera kwamuri. Shambai maʋoko enyu, imi ʋatadzi; natsai mŋoyo yenyu, imi munemŋoyo miʋiri.
9
Shuwai, muceme, murire; kuseka kwenyu ŋgakushandurwe kuʋe kucema, nokufara kwenyu dziʋe shuŋgu.
10
Muɀininipise pamberi paShe, agokukudzai.
11
Hama dzaŋgu, musareʋerana ɀakaipa. Unoreʋera hama yake ɀakaipa, kana kutoŋga hama yake, unoreʋera murairo ɀakaipa nokutoŋga murairo; ɀino kana ucitoŋga murairo, hauzi muiti womurairo, asi mutoŋgi.
12
Mumŋe cete ndiye mutemi womurairo nomutoŋgi, iye unogona kuponesa nokuparadza; asi iwe ndiwe aniko unotoŋga wokwako?
13
Nhai imi, munoti: Nhasi, kana maŋgwana ticaenda kuguta rokuti, tigogara’ko gore, ticishambadzira, tifume —
14
imi musiŋgaziʋi ɀamaŋgwana. Ʋupenyu bgenyu cinyiko? Nokuti muri mhute, inoʋonekwa ŋguʋa ɗuku, ndokunyaŋgarika.
15
Muŋgaɗai muciti: Kana Ishe aciɗa, ticararama tiite ɀokuti neɀokuti.
16
Asi ɀino munoɀirumbidza pakuɀikudza kwenyu; kuɀirumbidza kwose kwakaɗai kwakaipa.
17
Naiɀoɀo uyo, unoziʋa kuita ɀakanaka, akasaɀiita, iye uneɀiʋi.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5