bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Thessalonians 1
1 Thessalonians 1
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
1
Pauro, naSirivhano, naTimoti, kukereke yavaTesaronika, iri muna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu: Nyasha ngadzive nemi norugare.
2
Tinovonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu mose, tichikurangarirai pakunyengetera kwedu;
3
tichiramba tichirangarira basa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira vamwe kunobva parudo, nokutsungirira kunobva patariro muna Ishe wedu, Jesu Kristu, pamberi paMwari, Baba vedu;
4
tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kusanangurwa kwenyu.
5
Nokuti Vhangeri yedu haina kuuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimbawo, nomuMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo; sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nokuda kwenyu.
6
Nemi makava vateveri vedu navaIshe, zvamakagamuchira Shoko mumadambudziko mazhinji, nomufaro woMweya Mutsvene;
7
naizvozvo makatungamirira vose vanotenda muMakedhonia neAkaya.
8
Nokuti shoko raIshe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedhonia neAkaya bedzi, asi kutenda kwenyu kuna Mwari kwakasvika kwose; naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu.
9
Nokuti ivo vamene vanoparidza kupinda kwedu kwamuri, kuti kwakanga kwakadini; uye, kuti makatendeukira kuna Mwari, muchibva pazvifananidzo, kuti mubatire Mwari mupenyu wachokwadi,
10
nokumirira Mwanakomana wake pakubva kwake kudenga, iye waakamutsa kuvakafa, ndiye Jesu anotisunungura pakutsamwa kunouya.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5