bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Thessalonians 3
1 Thessalonians 3
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
1
Saka zvatakanga tisingagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiyiwe tiri toga paAteni;
2
tikatuma Timoti, hama yedu, mushumiri waMwari paVhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nokukutsungisai mwoyo pakutenda kwenyu;
3
kuti kurege kuva nomunhu anozununguswa nenhamo idzi, nokuti munoziva mumene kuti takagadzirirwa izvozvo.
4
Nokuti tichiri kwamuri takambokuudzai kuti tichatambudzwa; sezvazvakaitika, nemi munoziva.
5
Saka iniwo, zvandakanga ndisingachagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive kutenda kwenyu, ndichiti zvimwe muedzo wakakuedzai, izvo zvatakabata zvikava pasina.
6
Asi zvino Timoti akati asvika kwatiri achangobva kwamuri, akatiudza mashoko akanaka okutenda kwenyu norudo rwenyu, uye kuti munongositifunga nomurangariro wakanaka, muchida kutiona isu sesuo tichida kukuonai imi;
7
saka, hama dzangu, takanyaradzwa pamusoro penyu pakutambudzika kwedu kwose nenhamo nokutenda kwenyu;
8
nokuti zvino isu tinorarama, kana imi mumire makasimba muna Ishe.
9
Nokuti tingavonga Mwari neiko pamusoro penyu nomufaro wose watinofara nawo pamberi paMwari wedu nokuda kwenyu,
10
tichingokumbira zvikuru usiku namasikati kuti tione chiso chenyu, kuti tizadzise zvakatairira pakutenda kwenyu?
11
Zvino iye Mwari, baba vedu, naIshe wedu Jesu, ngaaruramisire nzira yedu kwamuri;
12
ishe akukurisei, akuwanzisirei rudo pakati penyu nokuna vose, sezvatinoita isu kwamuri,
13
asimbise mwoyo yenyu kuti ive isina chaingapomerwa pautsvene pamberi paMwari, baba vedu, pakuya kwaIshe wedu Jesu pamwechete navatsvene vake vose.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5