bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
1 Thessalonians 4
1 Thessalonians 4
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
1
Naizvozvo pakupedzisira, hama dzangu, tinokumbira kwamuri, nokukurayirai muna Ishe Jesu, kuti, sezvamadzidza kwatiri mutoo wamunofanira kufamba nokufadza Mwari nawo, sezvamunofambawo, kuti muwanze nokunzwisisa panaizvozvo.
2
Nokuti munoziva mirayiro yatakakupai naIshe Jesu.
3
Nokuti kuda kwaMwari ndihwo utsvene hwenyu, murege upombwe;
4
kuti mumwe nomumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake noutsvene nokukudzwa,
5
asingaiti nokukara kwokuchiva, savahedheni, vasingazivi Mwari;
6
munhu ngaarege kuitira hama yake zvakaipa kana kumunyengera pachinhu ichi, nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvinhu izvozvo zvose, sezvatakakuudzaiwo nokukupupurirai kwazvo.
7
Nokuti Mwari haana kutidanira tsvina, asi utsvene.
8
Naizvozvo anoramba izvozvo, haarambi munhu, asi Mwari, anokupai Mweya wake, iwo Mutsvene.
9
Zvino, kana ruri rudo pakati pehama, hamufaniri kuti munyorerwe, nokuti imi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudane;
10
nokuti ndizvo zvamunoitira hama dzose dzeMakedhonia yose, asi tinokurayirai, hama dzangu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvi;
11
shingairirai kuva norugare, mumwe nomumwe abate zvake, muchibata basa namaoko enyu, sezvatakakurairai;
12
kuti mufambe nomutoo wakafanira kuna vari kunze, musingashayiwi chinhu.
13
Zvino, hama dzangu, hatidi kuti mushayiwe kuziva pamusoro pavavete, kuti murege kuchema savamwe vasina tariro.
14
Nokuti kana tichitenda kuti Jesu akafa, akamukazve, saizvozvowo avo vakavata muna Jesu, Mwari achavauyisa pamwechete naye.
15
Nokuti tinokuudzai neshoko raIshe, kuti isu vapenyu, vakasara kusvikira pakuuya kwaIshe, hatingatongotangiri vakavata.
16
Nokuti Ishe amene achaburuka kudenga nokudanidzira, nezwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa muna Kristu vachatanga kumuka;
17
zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwechete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga; naizvozvo tichava naIshe nguva dzose.
18
Naizvozvo nyaradzanai namashoko awa.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5