bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Peter 1
2 Peter 1
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
1
Simeoni Petirosi, muranda nomupostori waJesu Kristu, kuna vakagoverwa kutenda kumwe nokwedu, kunokosha, nokururama kwaMwari wedu noMuponesi Jesu Kristu;
2
nyasha ngadzive nemi norugare ngaruwanzwe mukuziva Mwari naJesu, Ishe wedu;
3
nokuti nesimba rouMwari hwake takapiwa zvose zvinodikanwa muhupenyu nomukunamata Mwari, nenzira yokumuziva iye akatidana nokubwinya kwake nokunaka;
4
akatipa nazvo zvipikirwa zvinokosha zvakakura kwazvo; kuti nazvo muve vanhu vakagoverwa uMwari, matiza kuora kuri panyika nokuchiva.
5
Zvino nemhaka iyi muchishingaira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziva;
6
napakuziva, kuzvidzora; napakuzvidzora, kutsungirira; napakutsungirira, kunamata Mwari;
7
napakunamata Mwari, kuda vatendi, napakuda vatendi, rudo.
8
Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasina usimbe navasingashayiwi zvibereko mukuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.
9
Nokuti munhu, asina izvozvi ibofu, anoona zviri pedyo bedzi, akanganwa kusukwa kwezvivi zvake zvakare.
10
Saka, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti musimbise kudanwa nokusanangurwa kwenyu; nokuti kana muchiita izvozvi hamungatongogumburwi;
11
nokuti muchizviita muchazarurirwa zvakanaka kuti mupinde muushe husingaperi hwaIshe wedu, noMuponesi Jesu Kristu.
12
Saka handingaregi kukuyeuchidzai zvinhu izvi nguva dzose, kunyange muchizviziva henyu, uye makasimba muchokwadi chamunacho.
13
Ndinoti zvakanaka, kuti ndichiri mutabhenakeri ino ndikumutsei nokukuyeudzai;
14
ndichiziva kuti kubviswa kwetabhenakeri yangu kwava pedyo, sezvandakaratidzwa naIshe wedu Jesu Kristu.
15
Zvino ndichashingaira, kuti mugogona kurangarira zvinhu izvi nguva dzose kana ndaenda.
16
Nokuti hatina kutevera ngano dzokufungwa nenjere, nguva yatakakuzivisai simba nokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vanhu vakaona humambo hwake.
17
Nokuti iye akapiwa kukudzwa nokubwinya naMwari, Baba, panguva iya, yakauya izwi rakadai kwaari, richibva kukubwinya kukuru-kuru, richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofarira.”
18
Izwi iri takarinzwa isu, richibva kudenga, nguva yatakanga tinaye mugomo dzvene.
19
Uye tine shoko rouporofita rakasimba kwazvo, ramunoita zvakanaka kana muchiriteerera, rakaita somwenje unovhenekera mune rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mwoyo yenyu;
20
muchiziva pakutanga, kuti hakuna uporofita hworugwaro hunongodudzirwa nomunhu;
21
nokuti hakuna uporofita hwakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa naMweya Mutsvene.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3