bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Peter 2
2 Peter 2
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
1
Asi kwakanga kuna vaporofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapo pakati penyuwo vadzidzisi venhema, vachapinza pakavanda dzidziso dzakatsauka dzinoparadza, vachiramba naiye Tenzi akavatenga, vachizviwisira kuparadzwa kunokurumidza.
2
Vazhinji vachatevera utere hwavo; nokuda kwavo nzira yezvokwadi ichazvidzwa.
3
Pakukarira kwavo mari vachakunyengerai namashoko amano-mano; kutongwa kwavo, kwakatarwa kare, hakunonoki, nokuparadzwa kwavo hakukotsiri.
4
Nokuti kana Mwari asina kurega vatumwa vakatadza, asi wakavakandira muTaritaro nokuvaisa kumakomba erima, kuti vachengeterwe kutongwa;
5
akasaregawo nyika yekare asi akaponesa Noa muparidzi wokururama pamwechete navamwe vanomwe, nguva yaakauyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari;
6
akashandura maguta eSodhoma neGomora akaaita madota, akaatongera kuti aparadzwe, akaaita chive chiratidzo kuna ivo vachagara vasingadi Mwari;
7
akasunungura Roti, akanga akarurama, akanga afa neshungu nokuda kwomufambiro woutere wavakashata,
8
(nokuti munhu uyu akarurama, agere pakati pavo achiona nokunzwa, wakarwadzisa mweya wake wakarurama zuva rimwe nerimwe namabasa avo akanga asina kururama).
9
Ishe anoziva kusunungura pamiedzo vanonamata Mwari, nokuchengeta vasakarurama vave mukurohwa kusvikira pazuva rokutongwa;
10
zvikuru ivo vanofamba nomutoo wenyama pakuchiva kunosvibisa nokuzvidza ukuru; vanotsunga, vachiita nokuda kwavo, vasingatyi kutuka avo vane kubwinya.
11
Vatumwa, kunyange vanovapfuura nesimba noukuru, havauyi pamberi paIshe nemhosva yokuvapomera nayo.
12
Asi ava zvavanotuka zvavasingazivi, vakaita semhuka dzisina murangariro, dzakaberekwa kuti dzibatwe, dziparadzwe, naivo vachaparadzwa pakuora kwavo,
13
vachiitirwa zvisakarurama, uri mubayiro wokusarurama kwavo; vanhu vanoti, kutamba masikati ndizvo zvinofadza, ivo makwapa namavara, vanofara nokunyengera kwavo kana vachidya nemi;
14
vana meso azere noupombwe, asingaregi kutadza; vanonyengera vanhu vasina simba; vano mwoyo wakadzidziswa kuchiva; ivo vana vokutukwa;
15
vakasiya nzira yakarurama, vakatsauka, vakatevera nzira yaBharami, mwanakomana waBheori, akada mubayiro wokusarurama;
16
asi akarairwa pamusoro pokudarika kwake, nokuti mbongoro, isingagoni kutaura, yakataura nezwi romunhu, ikadzivisa kupenga kwomuporofita.
17
Ivava matsime asina mvura, mhute rinodzingwa nemhepo; ivo vakachengeterwa kusviba kwerima.
18
Nokuti nokutaura kwavo mashoko mazhinji okuzvikudza asina maturo, vanonyengera pakuchiva kwenyama noutere, avo vachangotiza vachibva kuna vanogara pakutsauka;
19
vachivapikira kusunungurwa, nyamba ivo vamene vari varanda vakuora; nokuti waakundwa naye, munhu anoitwa muranda wake.
20
Nokuti ivo, kana nenzira yokuziva Ishe, Muponesi Jesu Kristu, vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwazve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuura kutanga kwavo.
21
Nokuti zvaiva nani kwavari kana vasaiziva nzira yokururama, pakuti vadzoke pamurayiro mutsvene wavakapiwa, wavakanga vambouziva havo.
22
Zvinorehwa neshumo yechokwadi ndizvo zvakaitwa kwavari, zvinoti, “Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo,” “Nenguruve yakanga yashambidzwa, kuumburuka mumatope.”
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3