bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Peter 3
2 Peter 3
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
1
Vadikanwi, iyi ndiyo tsamba yechipiri yandinokunyorerai zvino; pane idzodzi dzose mbiri ndinomutsa ndangariro dzenyu ndichikuyeudzirai;
2
kuti mugorangarira mashoko akataurwa kare navaporofita vatsvene, nomurayiro waIshe, Muponesi, wamakapiwa navapostori venyu;
3
pakutanga muzive henyu chinhu ichi, kuti pamazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo,
4
vachiti, “Chipikirwa chokuuya kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.”
5
Nokuti vanokanganwa nohwoni chinhu ichi, kuti kare denga raivapo, nenyika yakabudiswa mumvura, yakaitwa nemvura neshoko raMwari;
6
nazvo nyika, yaivapo nguva iyo, yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa;
7
asi denga, riripo zvino, nenyika, zvakavigirwa moto neshoko irori, zvinochengetererwa zuva rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.
8
Asi vadikanwi, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kuna Ishe zuva rimwe rakaita samakore ane chiuru, namakore ane chiuru sezuva rimwe.
9
Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti, “Anonoka, asi ano mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.”
10
Asi zuva raIshe richauya sembavha; naro denga richapfuura nokutinhira kukuru, nezvedenga zvichaparadzwa zvichipiswa, nenyika namabasa ari mairi achapiswa.
11
Izvi zvose zvazvichaparadzwa saizvozvo, imi munofanira kuva vanhu vakadiniko pamufambiro wenyu mutsvene nokunamata Mwari,
12
imi munotarira nokushuvawo kwazvo kuuya kwezuva raMwari; naro denga richaparadzwa nokutsva, nezvedenga zvichanyauka zvichipiswa.
13
Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.
14
Saka vadikanwi, zvamunotarira zvinhu izvi, shingairai kuti muwanikwe naye muno rugare, musina ruvara, musina mhosva;
15
muchiti, mwoyo murefu waIshe wedu ruponeso; saPauro, hama yedu inodikanwa, akakunyoreraiwo nokuchenjera kwaakapiwa;
16
sezvaanotaura mumatsamba ake ose pamusoro pezvinhu izvi; madziri mune zvimwe zvikukutu kunzwisiswa; zvinominamiswa, samamwe magwarowo, navasingazivi navasina simba, kusvikira vaparadzwa.
17
Naizvozvo imi vadikanwi, zvamunoziva zvinhu izvi zvisati zvaitwa, chenjerai kuti murege kurashwa nokutsauka kwavakashata, muve pakusimba kwenyu.
18
Asi kurai munyasha napakuziva Ishe wedu, Muponesi Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino, nokusingaperi. Ameni.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
All chapters:
1
2
3