bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Deuteronomy 11
Deuteronomy 11
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 12 →
1
“Naizvozvo unofanira kuda Jehovha Mwari wako, nokuchengeta nguva dzose murayiro wake, nezvaakatema, nezvaakatonga, nezvaakaraira.
2
Zivai nhasi nokuti handitauri navana venyu vasina kuziva, vasina kuona kuranga kwaJehovha Mwari wenyu ukuru hwake, neruoko rwake rune simba, noruoko rwake rwakatambanudzwa,
3
nezviratidzo zvake, namabasa ake, aakaitira Farao, mambo weIjipiti, pakati peIjipiti nenyika yake yose;
4
nezvaakaitira hondo yeIjipiti, namabhiza avo, nengoro dzavo; kuti wakavafukidza nemvura yeGungwa Dzvuku, nguva yavakakutevererai, Jehovha akavaparadza kusvikira nhasi;
5
nezvaakakuitirai murenje, kudzimana makasvika panzvimbo ino;
6
nezvaakaitira Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, mwanakomana waRubheni; namashamisire akaita nyika muromo wayo, ikavamedza, ivo navedzimba dzavo, namatende avo, nezvipenyu zvavo zvose zvakanga zvichivatevera, pakati pavaIsiraeri vose.
7
Asi meso enyu akaona mabasa ose makuru aJehovha aakaita.
8
“Naizvozvo munofanira kuchengeta murayiro wose wandinokuraira nhasi, kuti musimbe, mupinde, mutore nyika iyo kwamunoyambuka kundoiita yenyu;
9
kuti mazuva enyu awedzerwe panyika, yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, kuti uchaipa ivo navana vavo, nyika inoyerera mukaka nouchi.
10
Nokuti nyika kwaunoenda kundoiita yako, haina kufanana nenyika yeIjipiti, kwamakabuda, kwawaidyara mbeu dzako, uchidzidiridza namakumbo ako, somunda wemiriwo,
11
asi nyika kwamunoyambuka, kundoiita yenyu, inyika yamakomo nemipata, inonwa mvura yokudenga;
12
inyika inochengetwa naJehovha Mwari wako; meso aJehovha Mwari wako anoramba achiitarira, kubva pakutanga kwegore kusvikira pakupedzisira kwegore.
13
“Zvino kana mukaterera zvakanaka mirairo yangu, yandinokuraira nhasi, mukada Jehovha Mwari wenyu nokumushumira nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose,
14
ndichapa nyika yenyu mvura panguva yayo, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, kuti ugone kukohwa zviyo zvako, newaini yako, namafuta ako.
15
Ndichameresa uswa hwemombe dzako pamafuro ako, udye, ugute.
16
Chenjerai kuti mwoyo yenyu irege kunyengerwa, murege kutsauka, mukashumira vamwe vamwari, nokunamata kwavari;
17
kuti Jehovha arege kukutsamwirai, akapfiga kudenga, kuti mvura irege kunaya nenyika irege kubereka zvibereko zvayo; imi mukakurumidza kuparadzwa panyika yakanaka yamunopiwa naJehovha.
18
“Naizvozvo munofanira kuchengeta mashoko angu awa mumwoyo yenyu nomumweya yenyu; munofanira kuasungira pamaoko enyu, chive chiratidzo, uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso enyu.
19
Uye munofanira kuadzidzisa vana venyu, muchitaurirana pamusoro pawo, kana iwe ugere paimba yako, kana uchifamba panzira, kana uchivata pasi, uye kana uchimuka;
20
unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuo ako;
21
kuti mazuva enyu awedzerwe, namazuva avana venyu, panyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha kuti uchavapa iyo, aite samazuva okudenga pamusoro penyika.
22
“Nokuti kana mukachengeta zvakanaka murayiro uyu wose wandinokurairai, kuti muuite; mukada Jehovha Mwari wenyu, nokufamba nenzira dzake dzose, nokumunamatira;
23
Jehovha uchadzinga ndudzi idzi dzose pamberi penyu, imi muchabata ndudzi dzinokupfuurai noukuru nesimba, dzive dzenyu.
24
Nzvimbo ipi neipi inotsikwa netsoka dzenyu ichava yenyu, nenyika yenyu ichabva parenje, neRebhanoni, kubva parwizi, rwizi Yufuratesi, kusvikira kugungwa rokumavirazuva.
25
Hakuna munhu ungagona kumira pamberi penyu; Jehovha Mwari wenyu uchatyisa nokuvhundusa nyika yose pamusoro penyu, nyika iyo yamuchazotsika pamusoro payo, sezvaakataura kwamuri.
26
“Tarirai, nhasi ndinoisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa;
27
kuropafadzwa, kana mukaterera mirairo yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurairai nhasi;
28
nokutukwa, kana musingatereri mirairo yaJehovha Mwari wenyu, asi muchitsauka panzira yandinokuraira nhasi, mukatevera vamwe vamwari vamusina kuziva.
29
“Zvino kana Jehovha Mwari wako akupinza panyika, kwamunoenda, kundoiita yako, unofanira kuisa kuropafadzwa pagomo reGerizimi, nokutukwa pagomo reEbhari.
30
Ko makomo awo haazi mhiri kwaJorodhani, mberi kwenzira yokumavirira ezuva, munyika yavaKenani, vagere paMupata, pakatarisana neGirigari, pamiouki yeMore here?
31
Nokuti munofanira kuyambuka Jorodhani, mupinde kundotora nyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu; ichava yenyu, mugaremo.
32
Chenjerai kuti muite zvakatemwa nezvakatongwa zvose, zvandinoisa pamberi penyu nhasi.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34