bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Deuteronomy 14
Deuteronomy 14
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 15 →
1
“Imi muri vana vaJehovha Mwari wenyu; musazvitema, kana kuzviveura pakati pameso pamusoro pavakafa.
2
Nokuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako; Jehovha wakakutsaura pakati pendudzi dzose dzavanhu vari panyika, kuti uve rudzi rwake chairwo.
3
“Usadya chinhu chipi nechipi chinonyangadza.
4
Mhuka dzamungadya ndidzo: Mombe, negwai, nembudzi;
5
nenondo, nemhara, nemhembwe, netsoma, nemharapara, nenyati, nengururu.
6
Mhuka ipi neipi ina mahwanda akaparadzana, ine tsoka dzakaparadzana, inodzeya, ndidzo dzamungadya henyu.
7
Asi idzi dzinodzeya, kana dzina mahwanda akaparadzana, regai kudzidya: Kamera, netsuro, nembira; nokuti dzinodzeya, asi hadzina mahwanda akaparadzana, hadzina kunaka kwamuri;
8
nenguruve; nokuti ina mahwanda akaparadzana, asi haidzeyi; haina kunaka kwamuri; musadya nyama yadzo, uye musabata zvitunha zvadzo.
9
“Ndizvo zvamungadya kune zvose zviri mumvura: Zvose zvine zvimbi namakwande mungazvidya;
10
asi zvose zvisina zvimbi namakwande, musazvidya izvo, hazvina kunaka kwamuri.
11
“Mungadya shiri dzose dzakanaka.
12
Asi dzamusingafaniri kudya ndidzo: Gora guru, negondo guru, nenyamudzura;
13
norukodzi, nenjerere, noruvangu namarudzi arwo;
14
namarudzi ose akakunguo;
15
nemhou, nezizi, neshiri yegungwa, namarudzi ose oruvangu;
16
nezizi duku, nezizi guru, nejichidza,
17
nehukurwizi, negora, nekanyurura-hove;
18
nezimudo, nekondo, namarudzi ayo, nemhupupu, nechiremwa-remwa.
19
“Zvose zvina mapapiro zvinokambaira zvinofanira kuva zvisina kunaka kwamuri; hazvifaniri kudyiwa.
20
Asi shiri dzose dzakanaka mungadzidya henyu.
21
“Musadya chinhu chakan'ora choga; ungachipa mweni uri mukati mamasuo ako, iye achidye, kana ungachitengesa kumutorwa; nokuti iwe uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
22
“Utsaure zvakanaka zvegumi zvezvibereko zvose zvembeu dzako, dzinobva mumunda mako gore rimwe nerimwe.
23
Unofanira kudya pamberi paJehovha Mwari wako, panzvimbo yaachatsaura kugarisa zita rakepo, zvegumi zvezviyo zvako, nezvewaini yako, nezvamafuta ako, nezvavana vemhongora dzemombe dzako nedzamakwai ako, kuti udzidze kutya Jehovha Mwari wako nguva dzose.
24
Kana nzira iri kuresa, ukasagona kuzvisvitsako, nokuti nzvimbo iyo yawakatsaurirwa naJehovha Mwari wako, kuti aise zita rakepo, iri kure newe, kana Jehovha Mwari wako akakuropafadza,
25
unofanira kuzvitengesa nemari, ndokubata mari mumaoko ako, ugoenda kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako,
26
ndokutenga nemari iyo zvose zvinodikanwa nomwoyo wako, kana mombe, kana makwai, kana waini, kana zvinobata, kana zvose zvinoreva mwoyo wako kwauri, udyirepo pamberi paJehovha Mwari wako, ufare, iwe nemhuri yako.
27
Uye muRevhi uri mukati mamasuo ako, usamukanganwa, nokuti haana mugove kana nhaka newe.
28
Nguva dzose kana makore matatu apera, unofanira kuuya nezvegumi zvose zvezvibereko zvako zvegore iro, ugozvichengeta mukati mamasuo ako.
29
Zvino muRevhi, zvaasina mugove kana nhaka newe, nomweni, nenherera, nechirikadzi, vari mumasuo ako, vanofanira kuuya kuzodya, vagute; kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pamabasa ose aunoita namaoko ako.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34