bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Deuteronomy 27
Deuteronomy 27
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 28 →
1
Zvino Mosesi navakuru vaIsiraeri vakaraira vanhu, vakati, chengetai mirairo yose yandinokurairai nhasi.
2
Zvino nomusi wamunoyambuka Jorodhani muchipinda munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, unofanira kuzvimisira mabwe makuru nokuachenesa nesuko;
3
ugonyora pamusoro pawo mashoko ose omurayiro uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehovha Mwari wako, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvawakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako.
4
Zvino kana mayambuka Jorodhani, munofanira kumisa mabwe iwayo, sezvandinokurairai nhasi, pagomo reEbhari, nokuachenesa nesuko.
5
Ipapo unofanira kuvakirapo Jehovha Mwari wako atari, atari yamabwe; haufaniri kusimudzira nhumbi yedare pamusoro payo.
6
Unofanira kuvaka atari yaJehovha Mwari wako namabwe asina kuvezwa, ugobayirapo Jehovha Mwari wako zvipiriso zvinopiswa.
7
Unofanira kubayirapo zvipiriso zvokuyananisa, nokudyapo; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako.
8
Unofanira kunyora pamusoro pamabwe awo mashoko ose omurayiro uyu, zvionekwe kwazvo.
9
Zvino Mosesi navapristi navaRevhi vakataura navaIsiraeri vose, vakati, “Iwe Isiraeri, nyarara, unzwe; nhasi waitwa rudzi rwaJehovha Mwari wako.
10
Naizvozvo unofanira kuteerera izwi raJehovha Mwari wako, uite mirairo yake nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi.”
11
Mosesi akaraira vanhu nomusi uyo, akati,
12
“Ndivo vanofanira kundomira pamusoro pegomo reGerizimi, kuti varopafadze vanhu, kana mayambuka Jorodhani: Simeoni, naRevhi, naJudha, naIsakari; naJosefa, naBhenjamini.
13
Uye ndivo vanofanira kundomira pagomo reEbhari, kuti vavatuke: Rubheni, naGadhi, naAsheri, naZebhuruni, naDhani, naNafutari.”
14
Zvino vaRevhi vanofanira kupindura, vachiti kuvarume vose vaIsiraeri nezwi guru,
15
“Ngaatukwe munhu unoita mufananidzo wakavezwa, kana wakaumbwa, unonyangadza Jehovha, riri basa ramaoko emhizha, achiumisa pakavanda. “Zvino vanhu vose vanofanira kupindura, vachiti, Ameni.
16
“Ngaatukwe munhu unozvidza baba vake kana mai vake. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
17
“Ngaatukwe munhu unoshandura muganhu wehama yake. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
18
“Ngaatukwe munhu unotsausa bofu panzira. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
19
“Ngaatukwe munhu unotongera “Mutorwa nenherera nechirikadzi zvisakarurama. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
20
“Ngaatukwe munhu unovata nomukadzi wababa vake, nokuti wafukura nhere yababa vake. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
21
“Ngaatukwe munhu unovata nemhuka ipi neipi. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
22
“Ngaatukwe munhu unovata nehanzvadzi yake, kana nomwanasikana wababa vake, kana nomwanasikana wamai vake. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
23
“Ngaatukwe munhu unovata namai vomukadzi wake. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
24
“Ngaatukwe munhu unorova wokwake pakavanda. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
25
“Ngaatukwe munhu unogamuchira fufuro kuti auraye mumwe usine mhosva. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
26
“Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu, nokuaita. “Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 28 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34