bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Galatians 2
Galatians 2
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 3 →
1
Zvino, makore ane gumi namana akati apfuura, ndikakwirazve Jerusaremu naBhanabhasi, ndikaendawo naTitosi.
2
Ndakakwira nokuda kwokuratidzwa; ndikarondedzera pamberi pavo Vhangeri yandinoparidza pakati pavahedheni, asi kuna vakanga vachikudzwa vari voga, kuti zvimwe ndirege kumhanyira pasina, kana kuti zvimwe ndatomhanyira pasina.
3
Asi naTito, waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe;
4
nokuda kwehama dzenhema, vakanga vapinzwa nokunyanga, vakanga vapinda pakavanda, kuti vashore kusununguka kwedu kwatinako muna Kristu Jesu, kuti vatisunge;
5
hatina kuvatsedukira ivava, tichivateerera kunyangwe nguva imwechete; kuti chokwadi cheVhangeri chirambe chichigara nemi.
6
Zvino kana vari ivo vanonzi vakuru handina mhaka kuti vaiva vakadini kare; Mwari haatendi zvinoonekwa zvomunhu kana vari ivo vanonzi vakuru, havana kundiwedzera chinhu;
7
asi ivo vakati vaona kuti ini ndakapiwa Vhangeri kuna vasina kudzingiswa, saPetirosi kuna vakadzingiswa;
8
nokuti iye akapa Petirosi simba rokuva mupostori kuna vakadzingiswa, ndiye akapawo ini simba rokuva mupostori kuvahedheni;
9
vakati vaona nyasha dzandakanga ndapiwa, Jakobho, naKefasi, naJohani avo vainzi mbiru vakatibata isu tose naBhanabhasi namaoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kuna vakadzingiswa;
10
vakada chete kuti tirangarire varombo; ndizvo zvandakashingairirawo kuti ndizviite.
11
Zvino Kefasi akati asvika Andioki ndakamudzivisa pachena, nokuti akanga ane mhosva.
12
Nokuti vamwe, vakanga vabva kuna Jakobho; asi vasati vasvika, iye aidya navahedheni asi vakati vasvika akadzoka, akazviraura, achitya vakadzingiswa.
13
Navamwe vaJudha vakaita mano-manowo pamwechete naye; zvikaitwa kuti naiye Bhanabhasiwo akatsauswa namano-mano avo.
14
Asi ndakati ndichiona kuti havafambi zvakarurama nechokwadi cheVhangeri, ndakati kunaKefasi pamberi pavose: “Kana iwe, uri muJudha, uchifamba savahedheni usingaiti savaJudha, unoreverera seiko vahedheni, kuti vafambe savaJudha?”
15
Isu vaJudha pakuzvarwa kwedu, tisati tiri vatadzi vanobva kuvahedheni,
16
zvatinoziva kuti munhu haaruramiswi namabasa omurayiro, asi nokutenda kuna Kristu Jesu, nesuo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kuna Kristu, tirege kururamiswa namabasa omurayiro; nokuti hakuna munhu acharuramiswa namabasa omurayiro.
17
Zvino kana isu pakutsvaka kwekururamiswa muna Kristu, tikawanikwa tiri vatadziwo timene, ko Kristu wava mushumiri wezvivi here? Haisva!
18
Nokuti kana ndikavakazve izvo zvandamboputsa, ndinozviita mudariki.
19
Nokuti nomurayiro ini ndakafa kumurayiro, kuti ndirarame kuna Mwari.
20
Ndakaroverwa pamuchijikwa pamwechete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari, akandida, akazvipa nokuda kwangu.
21
Handikonesi nyasha dzaMwari; nokuti kana kururamiswa kuchibva kumurayiro, Kristu akafa pasina.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6