bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Galatians 6
Galatians 6
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
1
Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa panokumwe kudarika, imi voMweya mudzose wakadai nomwoyo wounyoro; uchizvichenjerera iwe, kuti urege kuedzwawo.
2
Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murayiro waKristu saizvozvo.
3
Nokuti kana munhu achiti, ndiri chinhu, asati ari chinhu, anozvinyengera iye.
4
Zvino munhu mumwe nomumwe ngaaedze basa rake amene, ipapo angazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe.
5
Nokuti munhu mumwe nomumwe achafanira kutakura mutoro wake.
6
Zvino anodzidziswa Shoko, ngaagovane noanodzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.
7
Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaanochekazve.
8
Nokuti anodyarira nyama yake, achacheka kuora, kunobva panyama; asi anodyarira Mweya, achacheka upenyu husingaperi, hunobva kuMweya.
9
Zvino ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo.
10
Zvino zvatine nguva, ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kuna veimba yokutenda.
11
Tarirai, kukura kwamabhii andinokunyorerai nawo noruoko rwangu.
12
Vose vanoda kunzi vakanaka pane zvinoonekwa panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; vanodaro bedzi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu.
13
Nokuti kunyange vakadzingiswa, havachengeti murayiro vamene; asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu.
14
Asi kana ndirini, ngandirege kutongozvirumbidza napaduku, asi bedzi mumuchinjikwa waIshe wedu, Jesu Kristu; naye nyika yakaroverwa pamuchinjikwa kwandiri, neni ndakaroverwa kunyika.
15
Nokuti kudzingiswa kana kusadzingiswa hachizi chinhu, asi chisikwa chitsva.
16
Vose vanofamba nomurayiro uyu, rugare ngaruve pamusoro pavo, nenyasha, napamusoro pavaIsiraeri vaMwari.
17
Kubvira zvino ngakurege kuva nomunhu anonditambudza; nokuti ndina mavanga aJesu pamuviri wangu.
18
Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
All chapters:
1
2
3
4
5
6