bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Galatians 5
Galatians 5
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
1
Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka; naizvozvo mirai nesimba, murege kusungwazve nejoko rouranda.
2
Tarirai, ini Pauro, ndinoti kwamuri, kana muchidzingiswa, Kristu haangakubatsiriyi chinhu.
3
Ndinopupurira mumwe nomumwe anodzingiswa, kuti iye ane ngava rokuti achengete murayiro wose.
4
Makaparadzaniswa naKristu, iyemi munoda kururamiswa nomurayiro; mabudiswa panyasha.
5
Nokuti isu noMweya tinomirira nokutenda tariro yokururamiswa.
6
Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvibatsiri chinhu; asi kutenda kunobata norudo.
7
Makanga muchimhanya zvakanaka; ndianiko akakudzivisai kuti murege kuteerera chokwadi?
8
Hamuna kugombedzerwa naiye akakudanai.
9
“Mbiriso shoma inovirisa mukanyiwa wose.”
10
Ndinotenda pamusoro penyu muna Ishe, kuti hamungatongorangariri chimwe chinhu; asi uyo, anokupesanisai achafanira hake kutongwa, kunyange ari ani naani.
11
Asi ini, hama dzangu, kana ndichiparidza kuti vanhu vadzingiswe, ndinoramba ndichitambudzwa neiko? Naizvozvo kugumbusa kwomuchinjikwa kwabviswa.
12
Dai avo vanokupesanisai vachizvigadzirawo pachavo.
13
Nokuti imi, hama dzangu, makadanirwa kusununguka; asi kusununguka kwenyu ngakurege kuva nzira yenyama, asi batiranai norudo.
14
Nokuti murayiro wose unozadziswa neshoko rimwechete, rokuti, “Ida wokwako sezvaunozvida iwe;”
15
asi kana muchirumana nokudyana, chenjerai kuti murege kupedzana.
16
Zvino ndinoti: Fambai noMweya, ipapo hamungaiti kuchiva kwenyama.
17
Nokuti nyama inochiva ichirwa noMweya; noMweya uchirwa nenyama; nokuti izvi zvinorwisana; kuti murege kuita zvamunoda.
18
Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamuzi pasi pomurayiro.
19
Zvino mabasa enyama anoonekwa, anoti: Upombwe, netsvina, nokukara
20
nokunamata zvifananidzo, nouroyi, nokuvengana, negakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka,
21
nokugodorana, nokuraradza, nokutamba kwakaipa, nezvinhu zvakadai; izvo zvandinokuudzai zvino, sezvandakambokuudzai kare, kuti vanoita zvakadai havangadyi nhaka youshe hwaMwari.
22
Zvino chibereko choMweya ndirwo rudo, norufaro, rugare, mwoyo murefu, mwoyo munyoro, kunaka, kutendeka,
23
unyoro, nokuzvidzora; hakuna murayiro unodzivisa zvinhu zvakadai.
24
Asi avo vari vaKristu Jesu vakarovera pamuchinjikwa nyama yavo, pamwechete nokuda kwayo, nokuchiva kwayo.
25
Kana tichirarama noMweya, ngatifambewo noMweya,
26
tirege kuzvikudza, tichimutsana mwoyo, tichigodorana.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6