bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
1 Chronicles 14
1 Chronicles 14
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 15 →
1
Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidari navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba youmambo.
2
Uye Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akamusimbisa samambo pamusoro peIsraeri uye kuti umambo hwake hwakanga hwakudzwa kwazvo nokuda kwavanhu vake Israeri.
3
MuJerusarema, Dhavhidhi akazvitorerazve vamwe vakadzi akava baba vavanakomana navanasikana vazhinji.
4
Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shamua, Shobhabhi, Natani, Soromoni,
5
Ibhari, Erishua, Eriperati,
6
Noga, Nefegi, Jafia,
7
Erishama, Bheeriyadha naErifereti.
8
VaFiristia pavakanzwa kuti Dhavhidhi akanga agadzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakaenda nehondo yose kundomutsvaga, asi Dhavhidhi akazvinzwa akabuda kundosangana navo.
9
Zvino vaFiristia vakanga vauya kuzopamba mupata weRefaimi;
10
saka Dhavhidhi akabvunza kuna Mwari akati, “Ndingaenda here kundorwisa vaFiristia? Mungavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akapindura akati, “Enda ndichavaisa mumaoko ako.”
11
Saka Dhavhidhi navanhu vake vakakwira kuPerazimi uye ikoko akavakunda akati, “Sokupwanya kunoita mvura, Mwari akapwanya vavengi vangu noruoko rwangu.” Saka nzvimbo iyoyo yakatumidzwa kunzi Bhaari Perazimi.
12
VaFiristia vakasiya vamwari vavo ipapo, uye Dhavhidhi akarayira kuti vapiswe mumoto.
13
VaFiristia vakarwisa zvakare mupata uya.
14
Saka Dhavhidhi akabvunza Mwari zvakare, uye Mwari akamupindura akati, “Usangonanga ikoko asi vakomberedze wozovarwisa wava pamberi pemiti yemibharisamu.
15
Pamunotanga kunzwa kutinhira kwokufamba pamisoro yemiti yemibharisamu, unofanira kubuda kundorwa, nokuti zvichange zvichireva kuti Mwari akutungamirira kundoparadza hondo yavaFiristia.”
16
Saka Dhavhidhi akaita sokurayirwa kwaakanga aitwa naMwari, uye vakaparadza hondo yavaFiristia, kubva kuGibheoni, kusvika kuGezeri.
17
Saka mukurumbira waDhavhidhi wakapararira nenyika yose uye Jehovha akaita kuti marudzi ose amutye.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29