bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
1 Chronicles 22
1 Chronicles 22
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 23 →
1
Ipapo Dhavhidhi akati, “Imba yaJehovha Mwari inofanira kuva pano, pamwe chete nearitari yezvipiriso zvinopisirwa Israeri.”
2
Saka Dhavhidhi akarayira kuti vatorwa vose vaigara muIsraeri vaungane pamwe chete, uye kubva mukati mavo akasarudza vacheki vamatombo kuti vagadzire matombo akavezwa zvakanaka okuvakisa imba yaMwari.
3
Akapa simbi dzakawanda kwazvo kuti dzigoshandiswa kugadzirisa zvipikiri zvamagonhi apamasuo nezvikorekedzo uye ndarira yakawanda kupfuura yaigona kuiswa pachikero.
4
Akapawo zvakare matanda emisidhari akawanda kupfuura aigona kuverengwa, nokuti vaSidhoni nevaTire vakanga vavigira Dhavhidhi matanda akawanda.
5
Dhavhidhi akati, “Mwanakomana wangu Soromoni mudiki kwazvo uye haasati ava noruzivo, uye imba ichavakirwa Jehovha inofanira kuva huru kwazvo, inorumbidzwa nokukudzwa kwazvo pamberi pamarudzi ose. Saka ndichaigadzirira.” Saka Dhavhidhi akagadzirira zvikuru kwazvo asati afa.
6
Ipapo akadana mwanakomana wake Soromoni akamurayira kuti avake imba yaJehovha, Mwari weIsraeri.
7
Dhavhidhi akati kuna Soromoni, “Mwanakomana wangu zvaiva mumwoyo mangu kuti ndivakire Zita raJehovha Mwari wangu imba.
8
Asi shoko iri raJehovha rakauya kwandiri richiti, ‘Wakadeura ropa zhinji uye ukarwa hondo dzakawanda. Iwe haungavakiri Zita rangu imba, nokuti wakadeura ropa rakawanda kwazvo pamberi pouso hwangu.
9
Asi uchava nomwanakomana achava murume worugare nokuzorora, uye ndichamupa zororo kubva kuvavengi vake kumativi ose. Zita rake achanzi Soromoni uye ndichapa Israeri runyararo norugare panguva yokutonga kwake.
10
Iyeye ndiye achavakira Zita rangu imba. Achava mwanakomana wangu uye ini ndichava baba vake. Uye ndichasimbisa chigaro choumambo hwake pamusoro peIsraeri nokusingaperi.”
11
“Zvino mwanakomana wangu, Jehovha ave newe, uye uve nokubudirira uye uvake imba yaJehovha Mwari wako sezvaakati uchaita.
12
Jehovha ngaakupe uchenjeri nokunzwisisa paachakuisa pakutonga pamusoro peIsraeri, kuitira kuti uchengete murayiro waJehovha Mwari wako.
13
Ipapo uchava nokubudirira kana ukachenjerera kuchengetedza mitemo nemirayiro yakapiwa Mozisi naJehovha kuti ape Israeri. Iva nesimba utsunge mwoyo. Usatya uye usaora mwoyo.’
14
“Ndakatambura zvikuru kwazvo kuti ndipe kutemberi yaJehovha matarenda zviuru zanaa zvegoridhe, matarenda miriyonib esirivha, ndarira nesimbi yakawanda zvokuti haangayerwe pachikero, namatanda namatombo. Uye unogona kuwedzera pamusoro pazvo.
15
Une varume vebasa vazhinji kwazvo: vacheki vamatombo, vavezi vamatanda navamwe varume vane unyanzvi mumabasa ose akasiyanasiyana
16
mune zvegoridhe nesirivha, ndarira nesimbi navarume voumhizha vasingaverengeki. Zvino chitanga basa uye Jehovha ave newe.”
17
Ipapo Dhavhidhi akarayira vatungamiri vose veIsraeri kuti vabatsire mwanakomana wake Soromoni.
18
Akati kwavari, “Ko, Jehovha Mwari wenyu haasi nemi here? Uye haana kukupai zororo kumativi ose here? Nokuti akaisa vagari venyika iyi muruoko rwangu, uye nyika iri pasi paJehovha uye nepasi pavanhu vake.
19
Zvino zvipirei mwoyo nemweya kutsvaka Jehovha Mwari wenyu. Tangai kuvaka nzvimbo tsvene yaJehovha Mwari, kuitira kuti mugouyisa areka yesungano yaJehovha nemidziyo mitsvene yaMwari mutemberi ichavakirwa Zita raJehovha.”
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29