bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
1 Samuel 16
1 Samuel 16
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 17 →
1
Jehovha akati kuna Samueri, “Uchasvika riniko uchichema Sauro, sezvo ini ndakamuramba kuti asava mambo wavaIsraeri? Zadza gonamombe rako namafuta ugopinda munzira yako; ndiri kukutuma kuna Jese wokuBheterehema. Ndasarudza mumwe wavanakomana vake kuti ave mambo.”
2
Asi Samueri akati, “Ndingaenda seiko? Sauro achanzwa nezvazvo akandiuraya.” Jehovha akati, “Tora tsiru uende naro ugondoti, ‘Ndauya kuzobayira kuna Jehovha.’
3
Ukoke Jese kuti auye kuchibayiro, uye ini ndichakuratidza zvokuita. Unofanira kundizodzera uyo wandichakuratidza.”
4
Samueri akaita zvakataurwa naJehovha. Akati asvika kuBheterehema, vakuru vomusha vakadedera pavakasangana naye. Vakamubvunza vakati, “Mauya norugare here?”
5
Samueri akati, “Hongu, ndauya norugare; ndauya kuzobayira kuna Jehovha. Zvinatsei mugoenda neni kuchibayiro.” Ipapo akanatsa Jese navanakomana vake akavakoka kuti vauye kuchibayiro.
6
Vakati vasvika, Samueri akaona Eriabhi akafunga kuti, “Zvirokwazvo muzodziwa waJehovha ndiye amire pano pamberi paJehovha.”
7
Asi Jehovha akati kuna Samueri, “Rega kutarira chiso chake kana mumhu wake, nokuti ndamuramba. Jehovha haatarisi zvinhu zvinoonekwa navanhu. Munhu anotarisa zviri kunze, asi Jehovha anotarisa pamwoyo.”
8
Ipapo Jese akadana Abhinadhabhi akaita kuti apfuure napamberi paSamueri. Asi Samueri akati, “Jehovha haana kusarudza uyuwo.”
9
Jese akaita kuti Shama apfuure napo, asi Samueri akati, “Nouyu haana kusarudzwa naJehovha.”
10
Jese akaita kuti vanakomana vake vanomwe vapfuure napamberi paSamueri, asi Samueri akati kwaari, “Jehovha haana kusarudza ava.”
11
Saka akabvunza Jese akati, “Ava ndivo vose vanakomana vaunavo here?” Jese akapindura akati, “Kuchino mumwe muduku kuna vose, asi ari kufudza makwai.” Samueri akati, “Tuma munhu kwaari; hatingagari pasi kusvikira asvika pano.”
12
Saka akatuma munhu kuti andouya naye. Akanga ari mutsvuku, ane chiso chakaisvonaka nechimiro chakanaka. Ipapo Jehovha akati, “Simuka umuzodze, nokuti ndiyeyu.”
13
Saka Samueri akatora gonamombe ramafuta akamuzodza pamberi pamadzikoma ake, uye kubva pazuva iroro Mweya waJehovha wakauya pamusoro paDhavhidhi nesimba. Ipapo Samueri akaenda kuRama.
14
Zvino Mweya waJehovha wakanga wabva pana Sauro, uye mweya wakaipa wakabva kuna Jehovha ukamutambudza.
15
Varanda vaSauro vakati kwaari, “Tarirai mweya wakaipa unobva kuna Mwari unokutambudzai.
16
Ishe ngaarayire varanda vake vari pano kuti vatsvake mumwe munhu anogona kuridza mbira. Acharidza kana mweya wakaipa unobva kuna Mwari wauya pamusoro penyu, uye imi muchanzwa zviri nani.”
17
Saka Sauro akati kuvaranda vake, “Tsvakai munhu anogona kuridza zvakanaka muuye naye kwandiri.”
18
Mumwe wavaranda akapindura akati, “Ndaona mwanakomana waJese wokuBheterehema anoziva kuridza mbira. Murume asingatyi uye murwi. Anogona kutaura zvakanaka uye munhu akaisvonaka. Uye Jehovha anaye.”
19
Ipapo Sauro akatuma nhume kuna Jese akati, “Nditumirewo mwanakomana wako Dhavidhi, uyo ari kumakwai.”
20
Saka Jese akatora mbongoro akaitakudza chingwa, guchu rewaini nembudzana akazvitumira kuna Sauro naDhavhidhi mwanakomana wake.
21
Dhavhidhi akasvika kuna Sauro akapinda kundomushandira. Sauro akamuda kwazvo, uye Dhavhidhi akava mumwe wavatakuri venhumbi dzake dzokurwa.
22
Ipapo Sauro akatuma shoko kuna Jese, achiti, “Tendera Dhavhidhi kuti andishandire, nokuti ndinofadzwa naye.”
23
Mweya waibva kuna Mwari waiti wasvika pamusoro paSauro, Dhavhidhi aibva atora mbira dzake oridza. Ipapo Sauro aibva anzwa kusununguka; onzwa zviri nani uye mweya wakaipa wobva wamusiya.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31