bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
1 Samuel 5
1 Samuel 5
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 6 →
1
Mushure mokunge vaFiristia vapamba areka yaMwari, vakaitora kubva kuEbhenezeri vakaenda nayo kuAshidhodhi.
2
Ipapo vakatakura areka vakapinda nayo mutemberi yaDhagoni vakaiisa parutivi rwaDhagoni.
3
Vanhu veAshidhodhi pavakamuka mangwananingwanani zuva raitevera, wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Vakatora Dhagoni vakamudzosera panzvimbo yake.
4
Asi mangwanani aitevera pavakamuka wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Musoro wake namaoko zvakanga zvadimbuka zvisisipo uye zviri pasi pachikumbaridzo chomukova, muviri wake bedzi ndiwo wakanga wangosara.
5
Ndokusaka kusvika nanhasi kusina vaprista vaDhagoni kana vamwewo zvavo vanopinda mutemberi yaDhagoni paAshidhodhi vanotsika pachikumbaridzo chomukova.
6
Ruoko rwaMwari rwakatambudza zvikuru vanhu veAshidhodhi nenzvimbo dzakaikomberedza; akauyisa kuparadzwa pamusoro pavo uye akavarova namamota.
7
Vanhu veAshidhodhi pavakaona zvakanga zvichiitika vakati, “Areka yaMwari weIsraeri haifaniri kugara pano nesu nokuti ruoko rwake rwatitambudza zvikuru isu naDhagoni mwari wedu.”
8
Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakavabvunza vachiti, “Toitei neareka yaMwari weIsraeri?” Vakapindura vachiti, “Itai kuti areka yaMwari weIsraeri iendeswe kuGati.” Saka vakabvisa areka yaMwari weIsraeri.
9
Asi mushure mokunge vaibvisa, ruoko rwaMwari rwakarwisana neguta iroro, uye akarivhundutsa nokuvhundutsa kukuru. Akarova vanhu veguta iroro, vakuru navadiki, namamota.
10
Saka vakaendesa areka yaMwari kuEkironi. Areka yaMwari payakanga yava kupinda muEkironi, vanhu veEkironi vakadanidzira, vachiti, “Vauyisa areka yaMwari weIsraeri kuti vatiuraye isu navanhu vedu.”
11
Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakati, “Dzoserai areka yaMwari weIsraeri kwakare, regai idzokere kunzvimbo kwayo, nokuti ichatiuraya isu navanhu vedu.” Nokuti rufu rwakanga rwazadza guta nokuvhunduka; ruoko rwaMwari rwakanga rwaritambudza zvikuru.
12
Avo vasina kufa vakarohwa namamota uye kuchema kweguta kwakakwira kudenga.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31