bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
1 Samuel 8
1 Samuel 8
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 9 →
1
Samueri akati akwegura, akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi veIsraeri.
2
Zita redangwe rake rainzi Joere uye zita rowechipiri rainzi Abhia, uye vaishanda vari paBheerishebha.
3
Asi vanakomana vake vakatsaukira kupfuma yakaipa, vakatambira fufuro, vakasaruramisira pakutonga.
4
Saka vakuru vose veIsraeri vakaungana pamwe chete vakauya kuna Samueri paRama.
5
Vakati kwaari, “Makwegura, uye vana venyu havafambi munzira dzenyu; naizvozvo gadzai mambo kuti atitungamirire, sezvakaita mamwe marudzi ose.”
6
Asi pavakati, “Tipei mambo kuti atitungamirire,” izvi hazvina kufadza Samueri; saka akanyengetera kuna Jehovha.
7
Uye Jehovha akamuudza kuti: “Teerera zvose zvinotaura vanhu kwauri; havana kuramba iwe, asi varamba ini samambo wavo.
8
Sezvavakaita kubva pazuva randakavabuditsa muIjipiti kusvikira nhasi, vachindisiya uye vachishumira vamwe vamwari, ndizvo zvavari kuita nokwauri.
9
Zvino, teerera zvavanotaura; asi uvayambire zvakasimba uye uvazivise zvichaitwa namambo achavatonga.”
10
Samueri akataura mashoko ose aJehovha kuvanhu vakanga vachimukumbira mambo.
11
Akati, “Izvi ndizvo zvichaitwa neachakutongai: Achatora vanakomana venyu agoita kuti vashande nengoro dzake dzehondo namabhiza, uye vachamhanya vari mberi kwengoro dzake.
12
Vamwe vavo achavaita vatungamiri vezviuru navatungamiri vamakumi mashanu, uye achaita kuti vamwe varime minda yake pamwe chete nokuikohwa, uye achaita kuti vamwe vagadzire zvombo zvehondo nemidziyo yengoro dzake.
13
Achatora vanasikana venyu kuti vave vagadziri vamafuta anonhuhwira navabiki vezvokudya navabiki vechingwa.
14
Achatora minda yenyu yakaisvonaka neminda yemizambiringa neminda yemiorivhi agozvipa kuvatariri vake.
15
Achatora chegumi chembeu dzenyu namazambiringa enyu agozvipa kumachinda ake nevanomushandira.
16
Varandarume venyu navarandakadzi venyu nemombe dzenyu dzakaisvonaka nembongoro achazvitora kuti azvishandise pamabasa ake.
17
Achatora chegumi chamakwai enyu, uye imi pachenyu muchava nhapwa dzake.
18
Zuva iroro parichasvika muchachema kwazvo nokuda kwamambo iyeye wamazvisarudzira, uye Jehovha haazokupindurai pazuva iroro.”
19
Asi vanhu vakaramba kuteerera Samueri. Vakati, “Kwete! Tinoda mambo kuti atitonge.
20
Ipapo tichava sedzimwe nyika dzose, tiina mambo anotitungamirira nokutiendera pamberi achitirwira hondo dzedu.”
21
Samueri akati anzwa zvose zvakanga zvataurwa navanhu, akandozvitaura zvakare pamberi paJehovha.
22
Jehovha akapindura achiti, “Vateerere uye uvape mambo.” Ipapo Samueri akati kuvarume veIsraeri, “Munhu wose ngaadzokere kuguta rake.”
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31