bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Ezekiel 28
Ezekiel 28
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 29 →
1
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2
“Mwanakomana womunhu, uti kumubati weTire, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Mukuzvikudza kwomwoyo wako iwe wakati, “Ini ndiri mwari; ndinogara pachigaro choushe chamwari, pakati pomwoyo wamakungwa.” Asi uri munhu zvako uye hauzi mwari, kunyange uchifunga kuti wakachenjera samwari.
3
Ko, iwe wakachenjera kukunda Dhanieri here? Ko, hauna chakavanzika chausingazivi here?
4
Wakazviwanira pfuma nouchenjeri hwako nokunzwisisa kwako, uye wakazviunganidzira goridhe nesirivha muzvivigiro zvepfuma yako.
5
Wakawanza pfuma yako nouchenjeri hwako hwokutengesa, uye nokuda kwepfuma yako mwoyo wako wakazvikudza.
6
“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Nokuda kwokuti unofunga kuti wakangwara, sokungwara kwamwari,
7
ndava kuzouyisa vatorwa kuti vazokurwisa, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi dzose, vachavhomora minondo yavo kuti varwise kunaka nokuchenjera kwako, vagosvibisa kupenya kwokubwinya kwako.
8
Vachakuburutsira kugomba, uye uchafa rufu runorwadza pakati pomwoyo wamakungwa.
9
Ipapo uchati here, “Ndiri mwari,” pamberi pavanokuuraya? Uchava munhu chete, kwete mwari, mumaoko aivo vanokuuraya.
10
Uchafa rufu rwomunhu asina kudzingiswa pamaoko avatorwa. Ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
11
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
12
“Mwanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro ugoti kwaari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Iwe wakanga uri muenzaniso wokukwana, uzere nouchenjeri wakakwana parunako.
13
Wakanga uri muEdheni, bindu raMwari; wakashongedzwa namatombo ose anokosha anoti: rubhi, tapazi neemeraridhi, krisorite, onikisi, jasipa, safuri, turikoise nebheriri. Urongwa nezvitsigiro zvako zvakanga zvakagadzirwa negoridhe; zvakagadzirwa pazuva rokusikwa kwako.
14
Iwe wakazodzwa sekerubhi rinorinda, nokuda kwaizvozvo ndakakugadza. Wakanga uri pamusoro pegomo dzvene raMwari; wakanga uchifamba pakati pamabwe omoto.
15
Wakanga usina chaungapomerwa panzira dzako, kubva pazuva rawakasikwa kusvikira kuipa pakwazowanikwa mauri.
16
Nokuwanda kwokushambadzira kwako wakabva wazara nechisimba, ndokubva watadza. Saka ndakakudzinga mukunyadziswa kubva pagomo raMwari, uye ndakakudzinga, iwe kerubhi rokurinda, kuti ubve pakati pamabwe omoto.
17
Mwoyo wako wakazvikudza nokuda kworunako rwako, uye wakaodza uchenjeri hwako nokuda kwokubwinya kwako. Saka ndakakukandira kunyika; ndakakuita chinhu chinosekwa pamberi pamadzimambo.
18
Nokuda kwokuwanda kwezvivi zvako, uye nokubiridzira kwako mukushambadzira, wakazvidza nzvimbo dzako tsvene. Saka ndakabudisa moto mukati mako, ukakuparadza, uye ndakakupisa kusvikira wava madota panyika, pamberi pavose vaikuona.
19
Ndudzi dzose dzinokuziva dzinoshamiswa newe; wasvika pamagumo akaipisisa uye hauchazovapozve.’ ”
20
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
21
“Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro peSidhoni; uprofite pamusoro paro,
22
uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “Ndine mhaka newe, iwe Sidhoni, uye ndichazviwanira kukudzwa mukati mako. Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichariranga nokuzviratidza kuti ndiri mutsvene mariri.
23
Ndichatuma denda pamusoro paro uye ndichaita kuti ropa riyerere munzira dzaro. Vakaurayiwa vachawira mariri, nomunondo uchirirwisa kumativi ose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.
24
“ ‘Vanhu veIsraeri havachazovizve navavakidzani vanovagodora vachivarwadzisa sorukato runopinza. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.
25
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pandinounganidza vanhu veIsraeri kubva kundudzi kwavakanga vakaparadzirwa, ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene pakati pavo pamberi pendudzi. Ipapo vachagara munyika yavo pachavo, yandakapa muranda wangu Jakobho.
26
Vachagaramo norugare uye vachavaka dzimba nokusima minda yemizambiringa; vachagara norugare pandicharanga vavakidzani vavo vose vanovagodora. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.’ ”
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48