bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Ezekiel 5
Ezekiel 5
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 6 →
1
“Zvino, Mwanakomana womunhu, tora munondo unopinza ugoushandisa sechisvo chomugeri kuti uveure musoro wako nendebvu dzako. Ipapo utore zviyero zviviri ugokamura bvudzi.
2
Panopera mazuva okukomba kwako, upise nomoto chetatu chebvudzi uri mukati meguta. Ugotora chimwe chetatu uchiteme nomunondo uchipoteredza guta. Ugoparadzira chimwe chetatu kumhepo. Nokuti ini ndichavadzingirira nomunondo wakavhomorwa.
3
Asi utore rimwe bvudzi shoma shoma uriise pamipendero yenguo dzako.
4
Uyezve, utore rimwe shoma racho urikandire mumoto ugoripisa. Moto uchapararira kubva ipapo uchienda kuimba yose yaIsraeri.
5
“Zvanzi naIshe Jehovha: Iri ndiro Jerusarema, randakaisa pakati pendudzi, nenyika dzakaripoteredza.
6
Asi pakuipa kwaro rakamukira mirayiro yangu nemitemo yangu kupfuura ndudzi nenyika dzakaripoteredza. Rakaramba mirayiro yangu uye harina kutevera mitemo yangu.
7
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Wanga usingazvidzori kupfuura ndudzi dzakakupoteredza uye hauna kutevera mitemo yangu kana kuchengeta mirayiro yangu. Hauna kana kumbotevedzera tsika dzendudzi dzakakupoteredza.
8
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ini iyeni ndinokurwisa iwe Jerusarema, uye ndichakuranga pamberi pedzimwe ndudzi.
9
Nokuda kwezvifananidzo zvako zvinonyangadza, ndichakuitira zvandisina kumboita kare uye handichazozviitizve.
10
Naizvozvo pakati pako madzibaba vachadya vana vavo, uye vana vachadya madzibaba avo. Ndichakuranga uye ndichaparadzira vakasara vako vose kumhepo zhinji.
11
Naizvozvo noupenyu hwangu zvirokwazvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, nokuti wakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezvakaumbwa zvako zvinonyangadza uye namaitiro ako anosemesa, ini ndimene ndichabvisa nyasha dzangu kwauri handichakutarisi netsitsi kana kukuponesa.
12
Chikamu chetatu chavanhu vako vachafa nehosha kana kufa nenzara mukati mako; chimwe chikamu chetatu chichawa nokuda kwomunondo kunze kwamasvingo ako; uye chimwe chikamu chetatu ndichachiparadzira kumhepo zhinji ndigochitevera nomunondo wakavhomorwa.
13
“Ipapo kutsamwa kwangu kuchapera uye hasha dzangu dzichabva pamusoro pavo, uye ndichange ndatsiva. Uye hasha dzangu padzichange dzapera pamusoro pavo, vachaziva kuti ini Jehovha ndazvitaura nokushingaira kwangu.
14
“Ndichakuita dongo nechinhu chinoshorwa pakati pendudzi dzakakupoteredza, pamberi pavose vanopfuura napo.
15
Uchava chinhu chinoshorwa nechiseko, yambiro nechinhu chinotyisa kundudzi dzakakupoteredza pandinokuranga mukutsamwa nehasha dzangu uye nechituko chinobaya. Ini Jehovha ndataura.
16
Pandinokupfura nemiseve yangu yenzara, inouraya uye inoparadza, ndichapfura kuti ndikuparadze. Ndichauyisa nzara pamusoro penzara pamusoro pako uye ndichamisa kupiwa kwako zvokudya.
17
Ndichatuma nzara nezvikara kuti zvizokurwisa, uye zvichakusiya usisina mwana. Denda nokuteuka kweropa zvichapfuura nomauri, uye ndichauyisa munondo pamusoro pako. Ini Jehovha ndataura.”
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48