bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Ezekiel 32
Ezekiel 32
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 33 →
1
Mugore regumi namaviri, nomwedzi wegumi namaviri pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2
“Mwanakomana womunhu, itira Faro mambo weIjipiti mariro uti kwaari: “ ‘Iwe wakafanana neshumba pakati pendudzi; wakaita seshato mukati mamakungwa uchibvongodzabvongodza mukati mehova dzako, ukabvongodza mvura netsoka dzako uye ukasvibisa hova.
3
“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Neboka ravanhu vazhinji ndichakanda mambure angu pamusoro pako, uye vachakukweva mumumbure wangu.
4
Ndichakukanda panyika ndichakurasira pamhene. Ndichamharisa shiri dzose dzedenga pamusoro pako, uye zvikara zvose zvomunyika zvichagutswa newe.
5
Ndichayanika nyama yako pamakomo, ndigozadza mipata nezvitunha zvako.
6
Ndichadiridza nyika neropa rako rinenge richiyerera kusvikira kumakomo, uye nzizi dzichazadzwa nenyama yako.
7
Pandichakudzima, ndichafukidza matenga uye ndichasvibisa nyeredzi; ndichafukidza zuva mugore, uye mwedzi haungabudisi chiedza chawo.
8
Zviedza zvose zvinopenya zvedenga ndichazvidzima pamusoro pako; ndichauyisa rima pamusoro penyika yako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9
Ndichatambudza mwoyo yavanhu vazhinji, pandichauyisa kuparadzwa kwako pakati pendudzi, pakati penyika dzausina kumboziva.
10
Ndichaita kuti vanhu vazhinji vashamisike pamusoro pako, uye madzimambo avo achadedera nokutya nokuda kwako, pandichavheyesa munondo wangu pamberi pavo. Pazuva rokuwa kwako mumwe nomumwe wavo achadedera nguva dzose, nokuda kwoupenyu hwake.
11
“ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Munondo wamambo weBhabhironi uchauya kuzokurwisa.
12
Ndichaita kuti vanhu vako vazhinji vave neminondo yavane simba, vanhu vakaipisisa pandudzi dzose. Vachaparadza kuzvikudza kweIjipiti, uye vanhu vayo vazhinji vachakundwa.
13
Ndichaparadza mombe dzayo dzose dziri panhivi dzemvura zhinji, hakuchazovi norutsoka rwomunhu ruchaibvongodza, kana namahwanda emombe achaibvongodza.
14
Ipapo ndichaita kuti mvura yavo igadzikane, uye ndichaita kuti hova dzayo dziyerere samafuta, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15
Pandichaita Ijipiti kuti ive dongo uye pandichabvisa zvose zviri mairi, pandichauraya vose vanogaramo, ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’
16
“Aya ndiwo mariro avachaiimbira. Vanasikana vendudzi vachaimba; nokuda kweIjipiti navanhu vayo vose vazhinji vachaimba, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
17
Mugore regumi namaviri, pazuva regumi namashanu romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
18
“Mwanakomana womunhu, ungudza nokuda kwavanhu vazhinji veIjipiti uye uvawisire pasi zvose iyo nyika navanasikana vendudzi dzine simba, pamwe chete navaya vanoburukira kugomba.
19
Uti kwavari, ‘Ko, imi munonyanya kudikanwa kupfuura vamwe here? Burukai mundoradzikwa pakati pavasina kudzingiswa.’
20
Vachava pakati pavakaurayiwa nomunondo. Munondo wavhomorwa; ngaakweverwe kunze pamwe chete navanhu vake vazhinji.
21
Vatungamiri vane simba vari mukati meguva, vachati pamusoro peIjipiti navabatsiri vayo, ‘Vaburukira kuno uye vavete pamwe chete navasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo.’
22
“Asiria iriko nehondo yayo yose; yakakomberedzwa namakuva avakaurayiwa vayo vose, vose vakaurayiwa nomunondo.’
23
Makuva ayo ari pasi pasi mugomba uye hondo yayo ivete yakakomberedza rinda rayo. Vose vakanga vaparadzira kutya munyika yavapenyu vakaurayiwa vakafa nomunondo.
24
“Eramu iriko, pamwe chete navanhu vayo vazhinji vose vakapoteredza rinda rayo. Vose vakaurayiwa, vakafa nomunondo. Vose vakanga vatyisidzira vamwe munyika yavapenyu vakaburukira panyika pasi vasina kudzingiswa. Vakatakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba.
25
Yakawaridzirwa mubhedha pakati pavakaurayiwa, nevanhu vayo vazhinji vakakomberedza rinda rayo. Vose havana kudzingiswa, vaiurayiwa nomunondo. Nemhaka yokuti kutyisidzira kwavo kwakanga kwapararira munyika yavapenyu, vanotakura nyadzi dzavo navaya vanoburukira kugomba, vakaradzikwa pakati pavakaurayiwa.
26
“Mesheki neTubhari dziripo, navanhu vadzo vazhinji vakakomba marinda adzo. Vose havana kudzingiswa, vaurayiwa nomunondo nokuti vakatyisidzira vanhu munyika yavapenyu.
27
Ko, havana kuvata navamwe varwi vasina kudzingiswa here, ivo vakafa, vakaburukira muguva vane zvombo zvavo zvehondo, uye minondo yavo yakaiswa pasi pemisoro yavo? Kurangwa nokuda kwezvivi zvavo kuri pamusoro pamapfupa avo, kunyange kutyisidzira kwavanhu ava kwakanga kwapararira munyika yavapenyu.
28
“Newewo, iwe Faro, uchavhunwa uye uchavata pakati pavasina kudzingiswa.
29
“Edhomu iriko namadzimambo ayo namachinda ayo ose; kunyange ane simba, vakaradzikwa navaya vakaurayiwa nomunondo. Vakavata navasina kudzingiswa, navaya vanoburukira kugomba.
30
“Machinda ose okumusoro navaSidhoni variko; vakadzika navakaurayiwa mukunyadziswa kunyange simba ravo raityisa. Vakavata vasina kudzingiswa pamwe chete navakaurayiwa nomunondo vakatakura kunyadziswa kwavo pamwe chete navaya vanoburukira kugomba.
31
“Faro, iye nehondo yake, achavaona agonyaradzwa nokuda kwavanhu vake vazhinji vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
32
Kunyange ndakamurega achityisidzira vamwe munyika yavapenyu, Faro navanhu vake vazhinji vacharadzikwa pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48