bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Numbers 27
Numbers 27
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 28 →
1
Vanasikana vaZerofehadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, akanga ari wemhuri dzaManase mwanakomana waJosefa. Mazita avanasikana akanga ari: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiza.
2
Vakasvika pamukova weTende Rokusangana vakamira pamberi paMozisi, naEreazari muprista, vatungamiri, neungano yose, vakati,
3
“Baba vedu vakafira murenje. Vakanga vasiri pakati pavateveri vaKora, avo vakabatana pamwe chete kuti vamukire Jehovha, asi vakafira chivi chavowo vakasasiya vanakomana.
4
Ko, zita rababa vedu ragoshayikwa seiko pamhuri yavo, nemhaka yokuti vakanga vasina mwanakomana here? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.”
5
Saka Mozisi akasvitsa nyaya yavo pamberi paJehovha
6
Uye Jehovha akati kwaari,
7
“Zvinorehwa navanasikana vaZerofehadhi ndezvechokwadi. Zvirokwazvo unofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo ugodzorera nhaka yababa vavo kwavari.
8
“Uti kuvaIsraeri, ‘Kana munhu akafa akasasiya mwanakomana, munofanira kudzorera nhaka yake kumwanasikana wake.
9
Kana asina mwanasikana, mupe nhaka yake kumadzikoma ake kana vanun'una vake.
10
Kana asina madzikoma kana vanun'una, mupe nhaka yake kuvanun'una kana madzikoma ababa vake.
11
Kana baba vake vasina madzikoma kana vanun'una, mupe nhaka yake kuhama yepedyo yomumhuri yake, kuti ive yake. Uyu unofanira kuva mutemo kuvaIsraeri, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.’ ”
12
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Kwira pamusoro pegomo iri romuAbharimi ugoona nyika yandakapa vaIsraeri.
13
Mushure mokunge waona, newewo uchasanganiswa navanhu vokwako, sezvakaita Aroni mukoma wako,
14
nokuti ungano payakandimukira pamvura yomuRenje reZini, mose muri vaviri hamuna kuteerera murayiro wangu kuti mundiremekedze somutsvene pamberi pavo.” (Iyi ndiyo mvura yapaMeribha Kadheshi, muRenje reZini.)
15
Mozisi akati kuna Jehovha,
16
“Jehovha, Mwari wemweya yamarudzi ose avanhu, ngaagadze murume pamusoro peungano iyi
17
kuti abude nokupinda pamberi pavo, uyo achavabudisa nokuvapinza, kuti vanhu vaJehovha varege kuva samakwai asina mufudzi.”
18
Saka Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora Joshua mwanakomana waNuni, murume ano mweya maari, ugoisa ruoko rwako pamusoro pake.
19
Unofanira kumumisa pamberi paEreazari muprista napamberi peungano yose ugomurayira pamberi pavo.
20
Umupe rimwe simba rako kuti ungano yose yavaIsraeri igomuteerera.
21
Anofanira kumira pamberi paEreazari muprista, ndiye achamubvunzira pamberi paJehovha nokutonga kweUrimi. Pakurayira kwake, vanofanira kubuda iye neungano yose yavaIsraeri uye pakurayira kwake ivo vachapinda.”
22
Mozisi akaita sezvaakarayirwa naJehovha. Akatora Joshua akamumisa pamberi paEreazari muprista napamberi peungano yose.
23
Ipapo akaisa maoko ake pamusoro pake akamurayira, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 28 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
Recommended Reading
Commentary
Numbers Commentaries
→
Devotional
Numbers Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Study Bible
→