bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Numbers 8
Numbers 8
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 9 →
1
Jehovha akati kuna Mozisi,
2
“Taura naAroni uti kwaari, ‘Kana uchimisa mwenje minonwe, inofanira kuvhenekera nzvimbo iri mberi kwechigadziko chomwenje.’ ”
3
Aroni akaita saizvozvo; akamisa mwenje kuti atarisane nechigadziko chomwenje, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
4
Aya ndiwo magadzirirwo akanga akaitwa chigadziko chomwenje: Chakanga chakaitwa negoridhe rakapambadzirwa kubva pahwaro hwacho kusvikira pamaruva acho. Chigadziko chomwenje chakanga chakagadzirwa zvakanyatsofanana nomufananidzo wakanga waratidzwa Mozisi naJehovha.
5
Jehovha akati kuna Mozisi:
6
“Bvisa vaRevhi pakati pavamwe vaIsraeri ugovanatsa.
7
Pakuvanatsa, unofanira kuita izvi: Sasa pamusoro pavo mvura yokuvachenesa; ipapo ugoita kuti vaveure miviri yavo yose vagosuka nguo dzavo, kuitira kuti vazvinatse.
8
Uite kuti vatore hando duku nechipiriso chayo chezviyo choupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta, ipapo munofanira kutorazve imwe hando duku yechipiriso chechivi.
9
Uuye navaRevhi mberi kweTende Rokusangana ugounganidza ungano yose yavaIsraeri.
10
Unofanira kuuya navaRevhi pamberi paJehovha, uye vaIsraeri vanofanira kuisa maoko avo pamusoro pavo.
11
Aroni anofanira kuisa vaRevhi pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira chinobva kuvaIsraeri, kuitira kuti vagadzirire kuita basa raJehovha.
12
“Mushure mokunge vaRevhi vaisa maoko avo pamisoro yehando, ushandise imwe yacho sechipiriso chechivi kuna Jehovha uye imwe yacho sechipiriso chinopiswa, kuti uyananisire vaRevhi.
13
Uite kuti vaRevhi vamire pamberi paAroni navanakomana vake ipapo ugovakumikidza sechipiriso chokuninira kuna Jehovha.
14
Nenzira iyi unofanira kutsaura vaRevhi pakati pavamwe vaIsraeri, uye vaRevhi vachava vangu.
15
“Mushure mokunge wanatsa vaRevhi nokuvakumikidza sechipiriso chokuninira, vanofanira kuuya kuzoita basa ravo paTende Rokusangana.
16
Ivo ndivo vaIsraeri vachapiwa zvachose kwandiri. Ndakavatora kuti vave vangu pachinzvimbo chamatangwe, vanakomana vokutanga vomukadzi mumwe nomumwe womuIsraeri.
17
Chibereko chose chokutanga chechikono muIsraeri, angava munhu kana chipfuwo, ndechangu. Pandakauraya matangwe ose muIjipiti, ndakazvitsaurira ivo kwandiri.
18
Uye ndakatora vaRevhi panzvimbo yavanakomana veIsraeri vamatangwe.
19
PavaIsraeri vose, ndakapa vaRevhi sezvipo kuna Aroni navanakomana vake kuti vaite basa paTende Rokusangana vakamirira vaIsraeri uye kuti vayananisire vaIsraeri kuti varege kuurayiwa nedenda pavanenge vaswedera kunzvimbo tsvene.”
20
Mozisi, Aroni neungano yose yeIsraeri vakaitira vaRevhi sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
21
VaRevhi vakazvinatsa vakasuka nguo dzavo. Ipapo Aroni akavaisa pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira akavayananisa kuti vanatswe.
22
Shure kwaizvozvo, vaRevhi vakauya kuzoshanda basa ravo paTende Rokusangana vachitungamirirwa naAroni navanakomana vake. Vakaitira vaRevhi sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
23
Jehovha akati kuna Mozisi,
24
“Izvi ndizvo zvichaitwa navaRevhi: Vamwe vana makore makumi maviri namashanu kana anopfuura vachauya kuzoshanda basa paTende Rokusangana,
25
asi kana vasvika makore makumi mashanu, vanofanira kuregedza basa ravo uye varege kuzoshandazve.
26
Vangabatsira havo hama dzavo kuita mabasa apaTende Rokusangana, asi ivo pachavo havafaniri kushanda basa. Zvino, izvi ndizvo zvaunofanira kurayira vaRevhi kuti vaite.”
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36