bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Numbers 28
Numbers 28
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 29 →
1
Jehovha akati kuna Mozisi,
2
“Upe murayiro uyu kuvaIsraeri, uti kwavari, ‘Onai kuti maisa pamberi pangu panguva yakatarwa, zvokudya zvangu zvezvipiriso zvinoitwa nomoto, sezvinonhuwira zvinondifadza.’
3
Uti kwavari: ‘Ichi ndicho chipiriso chakaitwa nomoto chamunofanira kupa kuna Jehovha: makwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, sechipiriso chinopiswa chamazuva ose nezuva rimwe nerimwe.
4
Ugadzire gwayana rimwe chete mangwanani uye rimwe racho panguva yamadekwana,
5
pamwe chete nechipiriso chezviyo, chegumi cheefaa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehinib yamafuta omuorivhi akasvinwa.
6
Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chamazuva ose chakatarwa paGomo reSinai kuti chive munhuwi unonhuwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
7
Panobayirwa gwayana rimwe nerimwe, chipiriso chokunwa chinopiwa panguva imwe cheteyo chinofanira kuva chikamu chimwe chete muzvina chehini, chezvinonhuwira zvakaviriswa. Udurure chipiriso chinonwiwa kuna Jehovha panzvimbo tsvene.
8
Ugadzire gwayana rechipiri panguva dzamadekwana, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa, zvakafanana nezvamangwanani. Ichi ndicho chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.
9
“ ‘Nomusi weSabata, muite chipiriso chamakwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, pamwe chete nechipiriso chacho chokunwa, uye nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefac youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta.
10
Ichi ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose uye nechipiriso chacho chinonwiwa.
11
“ ‘Nomusi wokutanga womwedzi woga woga, mupe kuna Jehovha chipiriso chehando duku mbiri, gondohwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara.
12
Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefad yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta;
13
uye negwayana rimwe nerimwe, chipiriso chezviyo chechegumi cheefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. Izvi ndizvo zvinoitwa pachipiriso chinopiswa, chinonhuwira chinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
14
Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chokunwa chehafu yehini yewaini; pamwe chete negondohwe, chetatu chehinie; uye pamwe chete negwayana rimwe nerimwe, chikamu chimwe chete muzvina chehinif. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chomwedzi mumwe nomumwe chinofanira kupiwa pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe pagore.
15
Pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chokunwa, nhongo imwe chete inofanira kupiwa sechipiriso chechivi kuna Jehovha.
16
“ ‘Pazuva regumi romwedzi wokutanga munofanira kuita Pasika yaJehovha.
17
Pazuva regumi namana romwedzi uyu, munofanira kuita mutambo; kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.
18
Pazuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene uye murege kuita mabasa amazuva ose.
19
Mupe kuna Jehovha chipiriso chakaitwa nomoto, chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondohwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe ane gore rimwe chete, ose asina kuremara.
20
Pamwe chete nehando imwe neimwe mugadzire chipiriso chezviyo, chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondohwe, zvikamu zviviri mugumi;
21
uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi;
22
uisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti iwe uzviyananisire.
23
Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa zvamangwanani zvamazuva ose.
24
Nenzira iyi mugadzire zvokudya zvezvipiriso zvinoitwa nomoto mazuva ose kwamazuva manomwe sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha; zvinofanira kugadzirwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa nechipiriso chacho chinonwiwa.
25
Pazuva rechinomwe muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.
26
“ ‘Pazuva rezvibereko zvokutanga, pamunopa zvipiriso zvenyu kuna Jehovha, zvezvitsva zvezviyo panguva yoMutambo weMavhiki, muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.
27
Mupe chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondohwe rimwe chete uye makwayana manomwe makono egore rimwe chete, chive chipiriso chinofadza kuna Jehovha.
28
Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka. hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondohwe, zvikamu zviviri mugumi;
29
uye nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.
30
Muisewo nhongo imwe chete kuti muzviyananisire.
31
Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvazvo zvokunwa, pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvamazuva ose uye nechipiriso chacho chezviyo. Munofanira kuva nechokwadi kuti zvipfuwo zvacho hazvina kuremara.
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36