bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Peter 2
1 Peter 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
1
Saizvozvo chibvisai uipi hwose nokunyengedza kose nokubata vanhu kumeso neshanje nokunyomba kose.
2
Savacheche vatsva vachangoberekwa suwirai mukaka chaiwo wezvemweya kuti nawo mukure kusvika kuruponeso.
3
Nokuti “Makaravira mutsa waTenzi.”
4
Uyai kwaari, iye Dombo Benyu rakarambwa navanhu asi pana Mwari rakasarudzwa uye rinokosha,
5
imiwo uyai samatombo mapenyu muvakwe kuva Temberi yemweya, muve vapristi vatsvene kuti nokuna Jesu Kristu mupire zvibayiro zvemweya zvinogamuchirika pana Mwari nokuna Jesu Kristu.
6
Nokuti zvakanyorwa muMagwaro Matsvene kuti: “Tarisai muone ndava kuisa dombo muZioni dombo rapakona rakanyatsosarudzwa uye rinokosha. Munhu anodavira maari haambonyadziswi.
7
Kunemi munotenda, akakosha asi kune vasingatendi, dombo iroro rakarambwa navavaki, ndiro rava dombo rine basa guru rapakona.
8
Pamwewo panoti, ‘Iri ndiro dombo richagumbura vanhu, ibwe richaita kuti vaputsike.’ ” Vanogumburwa nokuti havateereri shoko sokurongerwa kwavakaitwa.
9
Asi imi muri rudzi rwakasarudzwa, vapristi vokumba huru, rudzi runoera, vanhu vaMwari kuti muparidze mabasa anoshamisa ouya akakudaidzai kuti mubve murima muchipinda muchiedza chake chinoshamisa.
10
Makambenge musiri rudzi, asi iye zvino mava rudzi rwaMwari. Makambenge musina kuitirwa tsitsi asi zvino makaitirwa tsitsi.
11
Vadikanwi ndinokukurudzirai savauyi navatorwa kuti musiyane nehavi dzomuviri dzinorwisana nemweya wenyu.
12
Ivai nomugariro wakanaka mukati mevechirudzi kuti kana vakakurevai savanhu vanoita zvakaipa vazoona mabasa enyu akanaka vagorumbidza Mwari paanokushanyirai.
13
Pamusana paTenzi, zviisei pasi pavanhu vakagadzwa ukuru pakati pavanhu, pangave pasi pamambo somukuru mukuru,
14
kana kumasadunhu vaanenge atuma kundoranga vanoita zvakaipa nokurumbidza vanoita zvakanaka.
15
Chikonzero chacho ndechokuti, nokuita zvakanaka munopwisa kutaura kusina maturo kwavanhu vasina zvavanoziva. Garai savanhu vanerusununguko, asi musingasevenzesi rusununguko rwenyu sechinhu chokuhwanda nacho mukuita zvakaipa,
16
asi garai savaranda vaMwari.
17
Remekedzai vanhu vose, idanai navose nevehama. Ityai Mwari, muremekedze mambo.
18
Vashandi zviisei pasi pavatenzi venyu norukudzo rwose, kwete kune vane mwoyo wakanaka chete kana kuna vane mwoyo munyoro asi kunyange kune vakaoma mwoyo,
19
nokuti chikomborero kuti munhu anotirira zvake nhamo, iye achitambudzika zvisina ruenzaniso, pari pamusana pokuti anoziva kuti kuna Mwari.
20
Unowana mubayiro wei kana ukatirira iwe waroverwa kuita zvakaipa? Asi kana ukaita zvakanaka iwe ugotambudzika nokuda kwazvo iwe ukatirira zvako, chikomborero ichocho pana Mwari.
21
Izvi ndizvoka zvamakadaidzirwa nokuti Kristu akakutambudzikiraiwo achikusiirai muenzaniso kuti mutevere makwara ake.
22
Haana kumbopara chitadzo. Hapana unyengedzi hwakambowanikwa pamuromo pake.
23
Paakanyombwa haana kudzorera nokunyombawo. Paakarwadziwa haana kuti muchazviona asi akavimba naiye anotonga zvino ruenzaniso.
24
Iye akatakura zvitadzo zvedu mumuviri wake pamuti kuti isu zvokutadza tisiyanenazvo tigare upenyu hwoururami. Makarapwa namaronda ake
25
nokuti makanga muchitetereka sehwai asi iye zvino makadzokera kuMufudzi noMuchengeti wemweya yenyu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5