bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Peter 4
1 Peter 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
1
Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri make, torai pfungwa imwecheteyo sezvombo zvokurwisa nazvo nokuti munhu wose akarwadziwa mumuviri akatoregera zvokutadza.
2
Izvi kuti kuti, nguva yasara yamunenge muine muviri, mugare muchitungamirirwa kwete nehavi dzomuviri asi nokuda kwaMwari.
3
Chiregai nguva yakapfuura ichiva yakakwana yokuita zvinodiwa nevechirudzi zvinoti unzenza, kutevera havi dzomuviri, nokuraradza nokusazvibata kwavararadzi nokutamba kwakaipa nokunamata zvisiri Mwari kwakafumuka.
4
Iye zvino vavakutoshamiswa kuti imi hamuchabatana navo muupenyu hwerurasademo mukuita zvinhu zvisina kana namaturo ose saka vachikunyombai.
5
Vachandozvidavirira kwaari iye akagadzirira kutonga vapenyu navafi.
6
Ndokusaka Shoko Rakanaka rakaparidzwa kunyange kuvakafa kuitira kuti kunyange vakatongwa vaine muviri savanhu, vagare mumweya saMwari.
7
Kuguma kwezvinhu zvose, kwava pedyo, naizvozvo dzikamai muzvibate kuti mukwanise kunamata.
8
Kupfuura zvimwe zvose rambai muchingodana nokuti rudo runofukidza zvitadzo zvakawanda.
9
Gamuchiranai mudzimba dzenyu pasina kunyunyuta.
10
Mumwe nomumwe wenyu zvaakagamuchira chipo, chishandisiranei savanhu vakapiwa basa rezvikomborero zvakasiyana — siyana naMwari.
11
Wokuparidza ngaataure somunhu anotaura zvirevo zvaMwari. Anoitira vamwe mabasa ngaaite somunhu anopiwa simba naMwari kuitira kuti muna zvose Mwari arumbidzwe nokuna Jesu Kristu, muridzi wembiri nesimba narini narini Ameni.
12
Vadikanwi musashamisike nenhamo inopfuta moto inokuwirai kuti ikuedzei; zvinoita sokunge chimwe chinhu chinoshamisa chiri kuitika kwamuri.
13
Asi itofarai nokutambudzika kwenyu pamwechete naKristu kuitira kuti muzofarawo nokupembera kufara pacharatidzwa pachena mbiri yake.
14
Kana mukanyombwa pamusana pezita raKristu makakomborerwa nokuti Mweya wembiri, Mweya waMwari ari pamuri.
15
Ngaparege kuva nomumwe wenyu anotambudzika nokuda kokuva mhondi kana mbavha kana kuva munhu anoita zvakaipa kana nokuva nhunzvatunzva.
16
Asi munhu akatambudzika somuKristu ngaarege kunyara asi ngaatorumbidza Mwari nezita iroro.
17
Chikonzero chacho ndechokuti kutongwa kwatotanga kuchitangisa nemhuri yaMwari. Zvino kana kuchitanga nesu kudai, ko kune avo vasingatendi Shoko Rakanaka raMwari zvichaperera kupi?
18
Kana mururami, kuponeswa kwake kuri kokubuda napaburi retsono ko asiri munamati nomutadzi achamira papi?
19
Saizvozvowo avo vanotambudzika sokuda kwaMwari ngavazviturire mumaoko aMwari musiki akatendeka.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5