bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Peter 3
1 Peter 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
1
Ndizvo zvimwechetewo nemi madzimai zviisei pasi pavarume venyu kuti vamwe vavo kunyange vasingateereri shoko, vanogona kubatwa mwoyo nomugariro wavakadzi vavo pasina chataurwa,
2
kana vaona kuremekedza kwenyu noupenyu hwenyu hwakachena.
3
Kuzvishongedza kwenyu ngakurege kuva kokunze zvakaita sokugadzira vhudzi nokuzvishongedza nendarama nokupfeka hanzu dzamandiriri.
4
Runako rwenyu ngaruve rwohunhu hwakavandika rwomumwoyo nechishongo chisingaparari chomweya wakapfava worunyararo wakakosha kwazvo pana Mwari.
5
Saizvozvo ndizvo zvaiitwa navakadzi vakare vatsvene vaiva nechitarisiro muna Mwari. Vaizvishongedza nokuzviisa pasi pavarume vavo
6
sokuteerera Abhurahumu kwakaita Sara achimuti Tenzi. Zvino imi ndimi vana vake kana mukaita zvakanaka musina chamunotya.
7
Ndizvozvowo nemi varume, munofanira kugara navakadzi venyu nokunzwisisa muchivaremekedza savanhu vasina simba serenyu. Varemekedzei nokuti vachagamuchira pamwechete nemi chipo choupenyu kuti minamato yenyu irege kupingidzwa.
8
Pokupedzisira, mose zvenyu ivai nomwoyo mumwechete muchinzwirana urombo muchidanana sehama nehama nokuva nomwoyo munyoro nomwoyo wokuzvirereka.
9
Musadzorere chakaipa nechakaipa kana kurengerera nokurengerera asi chenyu imi itotii ngavakomborerwe nokuti ndizvo zvamakadaidzirwa kuti muwane chikomborero.
10
“Uyo anoda upenyu, anoda kuwana upenyu hwakanaka, ngaazvidzore rurimi rwake kuuipi nomuromo wake urege kutaura nhema.
11
Ngaasiane nouipi aite zvakanaka ngaatsvake rugare arutevere,
12
nokuti maziso aTenzi ari pavarurami nzeve dzake dzakarerekera kuzvichemo zvavo. Uso hwaTenzi hunonangana navanoita zvakaipa.”
13
Ndiani angakukuvadzei kana muine shungu nezvakanaka?
14
Asi kunyange zvazvo mukatambudzikira ururami muchakomborerwa. Musavatye uye musazvidye mwoyo.
15
Asi imi mumwoyo menyu remekedzai Kristu saTenzi. Garai makagadzirira kupindura munhu anokubvunzai nezvechitarisiro chiri mamuri, asi zviitei nemwoyo munyoro norukudzo
16
muchengetedze hana dzenyu dzakachena kuti kana votaura zvakaipa nezvenyu, vanonyomba mugariro wenyu wakanaka muna Kristu, vanyadziswe
17
nokuti zviri nani kutambudzikira kuita zvakanaka kana zviri izvo zvinoda Mwari pano kuita zvakaipa,
18
nokuti Kristu akafira zvitadzo chakamwe, munhu akarurama achifira vasina kururama kuti atiunze kuna Mwari. Mumuviri akauraiwa, mumweya akamutswa.
19
Muupenyu hwomweya ihwohwo akaenda akandoparidza kumweya yaiva muusungwa
20
vasina kunge vateerera; Mwari paakamirira nomwoyo wake murefu, pamazuva aNowa ngarava ichavakwa, makazoponeswa vanhu vashoma vanokwana vasere chete, vakaponeswa nemvura.
21
Ruombeko rwakaita saizvozvo. Runokuponesai zvino, kwete nokubvisa tsvina pamuviri asi sechichemo kuna Mwari kuti hana icheneswe pamusana pokumuka kwaJesu Kristu
22
akaenda kudenga, zvino ari kurudyi rwaMwari. Vatumwa neveushe navanamasimba vari pasi pake.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5