bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Peter 1
2 Peter 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
1
Ndini Simoni Pita muranda nomupositori waJesu Kristu, ndinokunyorerai imi makagamuchira chitendero chakakosha chakangoita sechedu nesimba roururami hwaMwari wedu nomuponesi wedu Jesu Kristu.
2
Dai mangowana chikomborero chenyasha dzakawanda norugare ruzere mukuziva kwamunoita Mwari uye Jesu Tenzi wedu.
3
Simba rake rouMwari rakatiwanisa zvinhu zvose zvinopa upenyu uye unamati hwechokwadi pamusana pokuziva iye akatidaidza kumbiri yake nokurunako rwake.
4
Nenzira iyoyi akatipa zvitsidzo zvakakosha uye zvakakura kwazvo kuti nazvo mupunyuke kuora kuri panyika pamusana pehavi muchiva nomugove muumwari.
5
Nokuda kwechikonzero ichochi edzai nokwamunogona kose kuwedzera chitendero nezviito zvakarurama, pazviito zvakanaka wedzerai ruzivo,
6
paruzivo wedzerai kuzvibata, pakuzvibata wedzerai kutsungirira, pakushingirira kwenyu muwedzere unamati
7
paunamati muwedzere kudana sehama nehama, pakudana sehama nehama muwedzerewo rudo.
8
Chikonzero ndechokuti kana zvinhu izvi muinazvo zvakawanda hamuzoshaya chimuko kana kushaya muchero mukuziva Tenzi wedu Jesu Kristu,
9
asi ani naani zvake anenge asina zvinhu izvi, ibofu, munhu asingaoni zvinhu nemazvo uye atokanganwa kuti akacheneswa pazvitadzo zvake zvakare.
10
Naizvozvo hama shingairai zvikuru kuti musimbaradze kudaidzwa kwenyu nokusarudzwa kwenyu nokuti mukadai hamuzoputsiki.
11
Nezvo muchanyatsogamuchirwa namaoko maviri muumambo husingaperi hwaTenzi wedu noMuponesi, Jesu Kristu.
12
Naizvozvo ndinoda kupota ndichikuyeuchidzai zvinhu izvi kunyange zvazvo muchizviziva kare uye kunyange zvazvo makadzika midzi muchokwadi chamunacho.
13
Ndinofunga kuti zvakanaka pandinenge ndichiri mupenyu kudai,
14
kukumutsai mwoyo kuri kukuyeuchidzai sezvandinoziva kuti kubva kwangu mumuviri uno wandiri, kuri pedyo sokuratidzwa kwandakaitwa naTenzi wedu Jesu Kristu.
15
Ndichatoona kuti mushure mokunge ndaenda muzokwanisa kuyeuka zvinhu izvi panguva ipi neipi zvayo.
16
Hatina kutevedza ngano dzokungofungira patakakuzivisai nezvesimba uye nezvekuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu. Takanga tiri zvapupu zvakazvionera nameso ukuru ukuru hwake
17
nokuti paakapiwa rukudzo nembiri naMwari Baba izwi rakauya kwaari richibva mukupenya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo wandinofadzwa naye zvikuru.”
18
Takanzwa izwi iri richibva kudenga nokuti takanga tinaye pagomo rinoera riya.
19
Naizvozvo tine shoko rechiporofita rakanyatsosimbisiswa. Zviri nani kwamuri kuriteerera semwenje unovheneka munzvimbo ine rima kusvikira zuva rabuda uye hweva yabuda mumwoyo menyu.
20
Pakutanga munofanira kunzwisisa izvi zvokuti hakuna chiporofita chaMagwaro Matsvene, munhu chaanga dudzire sokuda kwake
21
nokuti hakuna chiporofita chakangouya chichingonyuka zvacho mumunhu. Asi kuti vanhu vakafemerwa naMweya Mutsvene vakataura zvinobva kuna Mwari.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3