bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Peter 3
2 Peter 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
1
Vadikanwi iyi ndiyo tsamba yechipiri ndichikunyorerai. Uye madziri dzose dziri mbiri, ndakamutsa mamuri mafungiro akarurama nokukuyeuchidzai
2
kuti muyeuke zvakafanotaurwa navaporofita vatsvene nomutemo waTenzi, Muponesi, waakapa nokuvapositori venyu.
3
Pokutanga, nzwisisai izvi zvokuti, mumazuva okupedzisira kuchauya vanhu vanonyomba vachitevera havi dzavo
4
vachikutii, “Ko zvaakatsidza kuti achauya, ko achauya rini. Chinguri chakafa madzitateguru zvinhu zvose zviri kungoenderera mberi sezvazvakanga zvakangoita kubvira pasi pachitanga kusikwa.
5
Vanoramba, ivo vachiziva zvavo kuti matenga akavapo kare kare nokuda kwezwi raMwari uye kuti pasi pakaitwa pachibva mumvura uye pachishandiswa mvura.”
6
Yakaita kuti nyika yakanga iripo ifukidzwe nemvura ikaparara.
7
Asi nezwi rimwechetero denga napasi zviripo iye zvino, zvakachengeterwa kuti zvipiswe nomoto. Zvakachengetwa kusvika pazuva rokutonga, zuva rokuparadzwa kwavasinganamati Mwari.
8
Asi musakanganwe izvi, vadikanwi, zvokuti, pana Tenzi, zuva rimwechete rakangoita sechuru chamakore uye kuti churu chamakore chakangoita, sezuva rimwechete.
9
Tenzi haanonoki nezvechitsidzo chake sokufunga kunoita vamwe, asi ari kutoita mwoyo murefu kwamuri asingadi kuti ani naani zvake aparare asi kuti vose vasvike pakutendeuka.
10
Asi Zuva raTenzi richauya sembavha. Ipapo matenga achapfuura neruzha rukuru, zvomudenga zvichashikitiswa nomoto uye nyika nezvose zvakaitwa pairi zvichapiswa.
11
Zvino zvinhu zvose izvi zvazvichaparadzwa kudai, munosungirwa kuva vanhu vakaita sei pakuva vatsvene napakunamata kwenyu Mwari
12
makamirira muchisuwira kuuya kweZuva raMwari richazoita kuti matenga abatire moto agoparadzwa uye zvomudenga zvichanyungurutswa nomoto.
13
Asi maererano nechitsidzo chake tinomirira denga idzva nenyika itsva, ururami muri imo mumusha mawo.
14
Naizvozvo vadikanwi, sezvamuri kumirira izvi, vavarirai kwazvo kuti akuwanei musina kana kavara kana chinoshoreka uye mune rugare.
15
Torai mwoyo murefu waTenzi wedu soruponeso. Ndizvowo zvamakanyorerwa nehama yedu Paurosi maererano noungwaru hwaakapiwa, achitaura nezvazvo mutsamba dzake dzose.
16
Madziri mune zvimwe zvinhu zvakaoma kunzwisisa zvinominamiswa navasina ruzivo navasina pavo zvichizovaparadza sezvavanongoita namamwe Magwaro Matsvene.
17
Naizvozvo imi vadikanwi zvamunoziva izvi nakare, chenjerai mungadaro mukateteretswa nokukanganisa kwavanhu ivavo vasina mutemo muchirasikirwa nechamakasimba nacho.
18
Asi rambai muchingokura munyasha noruzivo rwaTenzi wedu noMuponesi Jesu Kristu. Iye ngaarumbidzwe zvino nokusingaperi. Ameni.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
All chapters:
1
2
3
Recommended Reading
Commentary
2 Peter Commentaries
→
Devotional
2 Peter Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→