bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Peter 2
2 Peter 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
1
Vaporofita venhema vakamukawo pakati pavanhu. Saizvozvowo pakati penyu, pachamukawo vadzidzisi venhema vachaunza, muchivande zvidzidziso zvenhema zvinoparadza vachitoramba Tenzi wakavatenga vachizviunzira kuparadzwa kwechimbi — chimbi.
2
Vazhinji vachatevera unzenza hwavo uye pamusana pavo nzira yechokwadi ichashorwa.
3
Pamusana pokudisa kwavo upfumi vachakushandisai namazwi enhema kuti vazvipfumise. Kubvira kare kare mhosva yavo haiori; kuparadzwa kwavo kwakavarindira.
4
Kana Mwari akaita izvi zvokuti haana kurega kuranga vatumwa pavakatadza asi kutoti akavakanda mugomba romoto achivaisa mumakomba apasi pasi ezarima mokumbovachengetera kusvikira pakutongwa.
5
Kunyange asina kurega kuranga nyika iya yakare asi akachengetedza Nowa muparidzi oururami navamwe vanhu vanomwe, paakaunza mafashamo emvura panyika yavanhu vasinganamati Mwari,
6
Mwari akasandura maguta eSodhomu neGomora kuaita dota achiatsakatisa achiaita muenzaniso wezvichaitika kuna vasinganamati Mwari.
7
Akanunura Roti mururami akanga aodzwa mwoyo zvikuru nounzenza hwavakaipa,
8
nokuti mururami uyu zvaakaona nezvaakanzwa paaigara mukati mavo akashungurudzwa zuva nezuva mumweya wake wakarurama pamusana pezviito zvavo zvisina murao.
9
Nezvo, Tenzi anoziva kununura vanamati pazviedzo uye kuchengeta vasakarurama vari pachirango kusvikira pazuva rokutongwa
10
zvikuru avo vanofarira havi dzinosvibisa uye vanoshora ukuru hwaMwari. Vanoshora nechivindi vembiri vaya vachida vachiziva uye vasingatyi,
11
asi vatumwa kunyange vaiva nesimba noukuru kupinda ivo havana kuvapa mhosva vachivashora pamberi paTenzi
12
asi ivo, vachaparadzwa zvimwechetezvo navo sokunge mhuka dzisingafungi uye sezvisikwa zvisina pfungwa zvakazvarirwa kubatwa zvichiuraiwa. Vanoshora mune zvavasingazivi.
13
Vachatambudzika nokuda kwezviito zvavo zvakaipa. Vanoona zvichivafadza kuita zvamafaro masikati machena. Ivo mavara etsvina nezvinokushoresai vachitamba kudaro zvisina tsarukano pavanenge vachidya nemi.
14
Ziso ravo riri kunezvoupombwe, vane meso asingaguti kutadza. Vanofurira vanhu vasina kunyatsosimba. Vane mwoyo yakadzidziswa makaro. Vanhu vakarengererwa rushambwa.
15
Vakasiya nzira kwayo vakatetereka votevera nzira yaBhiriamu mwana waBheori aida kuzvipfumisa nokuda zvakaipa.
16
Asi akatsiurwa pakukanganisa kwake. Dhongi risingatauri rakataura nezwi romunhu rikadzora muporofita pakupenga kwake.
17
Ava zvisipiti zvisina mvura nemhute inovhuvhutwa nedutu, chavo chavakachengeterwa izarima rapasi pasi.
18
Nokuti vanotaura mazwi makuru oupenzi vachishandisa muviri wavo zvinonyadzisa zvoruchiva rwenyama kuti vateye vanhu vari kutotangisa kupunyuka vachibva muvanhu vakarasika.
19
Vanovatsidzira rusununguko asi ivo vari varanda vokuora, nokuti munhu anokundwa nechinhu anova muranda wechinhu ichocho.
20
Nokuti kana vapunyuka zvinosvibisa panyika pamusana pokuziva Tenzi wedu noMuponesi Jesu Kristu, vanobatwazve nazvo nokukurirwa nazvo. Magumo avo anoipa kupinda aya.
21
Zvaitova nani kwavari dai vakanga vasina kumboziva zvavo nzira yoururami panze pokuiziva vozodzokera shure vachibva kumutemo unoera wavakapiwa.
22
Zvinorehwa netsumo zvinenge zvava zvechokwadi zvinoti: “Imbwa inodya marutsi ayo. Uye Nguruve inenge yashambidzwa inoenda kundoumburuka mumatope.”
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3