bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Colossians 1
Colossians 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
1
Ndini Pauro akaitwa mupositori waKristu Jesu nokuda kwaMwari naTimoti hama yedu
2
takunyorerai imi vokuKorose, vatsvene uye hama dzakatendeka muna Kristu. Mwari Baba wedu ngavakuwanisei nyasha norugare.
3
Tinotenda Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu nguva dzose dzatinokunamatirai.
4
Tinodaro nokuti takanzwa nezvechitendero chenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose
5
pamusana pechitarisiro chezvamakachengeterwa kudenga. Izvi makazvinzwa kare mushoko rechokwadi, Shoko Rakanaka
6
rakasvika kwamuri. Sezvariri kungoitawo pasi pose kubereka muchero richipararira, ndozvariri kuitawo pakati penyu kubvira pazuva ramakarinzwa mukanzwisisa nyasha dzaMwari nechokwadi chezvariri
7
sokuzvidzidza kwamakaita kuna Epafurasi mushandipamwe nesu wapamwoyo. Mushandi akatendeka waKristu anomirira isu,
8
iye akatizivisawo rudo rwamakawana muna Mweya.
9
Naizvozvo kubvira musi watakazvinzwa hatimborega kukunamatirai tichikumbira kuti muve noruzivo ruzere rwezvaanoda muungwaru nokunzwisisa kwezvomweya
10
kuitira kuti mugare upenyu hunokodzerana naTenzi, hunomufadza zvizere huchibereka michero yakanaka mumabasa ose uyewo muchikurakura mukuziva kwenyu Mwari.
11
Dai mukasimbaradzwa nesimba rose maererano nesimba rake rinomukurumbira kuti muve nokutirira nemwoyo murefu.
12
Norufaro, tendai Baba, vakatikodzeresa kuva nomugove wavarurami, muchiedza.
13
Vakatinunura kuumambo hwerima vakatiendesa muumambo hwomwanakomana wavo wapamwoyo.
14
Maari ndimo matakawana ruponeso rwokuregererwa zvitadzo.
15
Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi. Dangwe — rume rechisikwa chiri chose
16
nokuti maari, Mwari ndomaakasika namo zvinhu zvose, zviri pasi nezviri kudenga, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kunyange vezvigaro zvokutonga kana voumambo kana kuti vane ukuru — ukuru kana madzishe. Zvinhu zvose zvakasikwa nemaari uyewo ndiye wazvakasikirwa.
17
Ndiye nyakutangira zvinhu zvose uye maari zvinhu zvose zvinobatanidzwa zviri mumaoko ake.
18
Ndiye musoro womuviri, musoro wesangano. Ndiye wokutanga dangwerume revakabva kuvafi, kuti muna zvose ave ndiye wokutanga — tanga
19
nokuti maari umwari huzere hwakafadzwa kuita musha wahwo
20
uye kuti nemaari, ayananise zvinhu zvose naye. Achizviwadzanisa neropa romuchinjikwa wake, zvingave zviri pasi pano kana zviri kudenga.
21
Zvino imi makambenge makatsauka, makapanduka mwoyo, muri vezviito zvakashata,
22
akakuyananisai nomuviri wake wenyama nokufa kwaakaita kuti akutsvitsei kwaari muri vatsvene, vasina chinoshoreka uye vasina mhosva yavangapiwe.
23
Anogona kuzviita chete kana imi mukaramba muine chitendero makadzika midzi musingazunguziki, musingakande pasi chitarisiro chamunowana muShoko Rakanaka ramakanzwa rakaparidzwa kuzvisikwa zvose zviri pasi pedenga. Ini Pauro ndakave mushandiri waro.
24
Zvino, ndinofara namatambudziko angu andinotambudzikira imi. Mumuviri wangu ndinozadzisa zvakasara pakutambudzika kwaKristu achitambudzikira muviri wake, sangano.
25
Sangano iroro, ndiro randakava mushandiri waro maererano nomugove webasa randakapirwa imi naMwari kuti Shoko raMwari rizivikanwe zvizere.
26
Ndicho chakavandika chiya kubvira pasichigare kwezvizvarwa nezvizvarwa asi iye zvino chavakuburitswa pachena kuvatsvene vake.
27
Mwari akada zvake kuzivisa vechirudzi kuwanda kwakaita upfumi hwembiri yechakavandika chiya. Chakavandika chacho ndiKristu ari mamuri iye chitarisiro chembiri.
28
Ndiye watinoparidza, tichichiyambira munhu wose tichidzidzisa munhu wose muungwaru hwose kuti akutsvitsei mava vanhu vabva zano muna Kristu.
29
Izvozvi ndizvo zvandakashingairira ndikatamburira nesimba rake rose rinoshanda mandiri zvakanyanya kwazvo.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4