bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Colossians 4
Colossians 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
1
Vanatenzi batai varanda venyu zvino ruenzaniso uye zvakarurama muchizivawo kuti imi muna tenzi kudenga.
2
Rambai muchinamata, mungwarire kunamata muchitenda.
3
Mutinamatirewo kuti Mwari atizarurire musuo weshoko kuti tiparidze zvakavandika zvaKristu. Ndiri muno mujeri pamusana pazvo
4
kuti ndiri tsanangure zviri pachena sezvandinofanira kuti ndiite.
5
Fambidzanai noungwaru navasiri mubato renyu. Pane zvenguva, mototi chawawana batisa.
6
Matauriro enyu ngaave matauriro akanaka kuti muzive kunyatsodavira anenge akubvunzai.
7
Tikikusi achakuzivisai nezvangu zvese. Ihama yapamwoyo, mushandiri akatendeka mushandipamwechete muna Tenzi.
8
Izvozvi ndizvo zvakaita kuti ndimutumire kwamuri kuti imi muzive kuti isu takadii uye kuti, agokukurudzirai
9
Ndamutumira pamwechete naOnesimo hama yakatendeka yapamwoyo, mumwe wenyu. Vachakutaurirai zvose zvakaitika kuno.
10
Muri kukwaziswa naAristakusi, musungwa pamwechete neni uye Mariko munun'una wamakarairirwa nezvake. Kana auya kwamuri mugamuchirei
11
naJesu anonzi Jusutusi ivava ndivo chete vokudzingiswa pakati pavashandipamwe neni muumambo hwaMwari, ndivo vaindinyaradza.
12
Epafurasi, mumwe wenyu, muranda waKristu Jesu, ari kukukwazisai. Anokuyeukai nguva dzose mumunamato kuti muve vanhu vabve zano uye muchinyatsoziva zvose zvinodiwa naMwari.
13
Ini ndinomupupurira kuti akakushandirai zvakaoma imi nevokuRaodhesia nevokuHeraporisi.
14
Ruka, chiremba wapamwoyo naDhemasi vanokukwazisai.
15
Ndikwazisireiwo hama dziri muRaodhesia naNipfa nesangano riri pamusha pake.
16
Kana tsamba iyi yaverengwa pakati penyu, ngaiverengwewo musangano rovokuRaodhesia. Imiwo munofanira kuzoverenga yokuRaodhesia.
17
Muti kuna Achipusi, “Unofanira kuita basa rawakagamuchira kuna Tenzi.”
18
Ndini Pauro ndinonyora noruoko rwangu ndichikukwazisai. Yeukai ngetani dzangu. Nyasha ngadzive nemi.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
All chapters:
1
2
3
4