bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Colossians 3
Colossians 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
1
Zvino kana makamuka pamwechete naKristu kudai tswakai zviri kumusoro kuna Kristu kwaagere kurudyi rwaMwari.
2
Isai mwoyo yenyu kune zvokudenga, kwete zvapasi pano.
3
Ndinodaro nokuti makafa uye kuti upenyu hwenyu hwakavigwa pamwechete naKristu muna Mwari.
4
Panenge iye Kristu, upenyu hwedu, azozviratidza, ipapo, imiwo muchazoratidzwa muinaye mumbiri.
5
Naizvozvo urayai zvenyika zviri mamuri izvi zvinoti: ufeve, zvisina kuchena, havi dzakaipa, nokudokwairira uipi nokukarira upfumi zvinongova zvimwechetezvo nokunamata zvifananidzo.
6
Pamusana paizvozvi Mwari ari kuuya akashatirwa.
7
Makambofamba mazviri pamaigara mazviri.
8
Zvino chisiyanai nazvo zvose zvinoti: hasha, noukasha, nouipi nokureva vamwe nokutaura zvinonyadzisa.
9
Musareverane nhema sezvamunongozvionawo kuti makabvisa upenyu hwenyu hwakare namaitiro ahwo
10
mukapfeka upenyu hutsva huri kuvandudzwa noruzivo kuti hufanane nomusiki warwo.
11
Pano apa hapana zvokuti uyu muGiriki here kana kuti muJudha; kana kuti uyu akadzingiswa here kana kuti haana kudzingiswa; kana kuti uyu ndewechirudzi here kana kuti muSitia, kana kuti muranda here kana kuti munhu anorusununguko rwake asi kuti Kristu ndiye zvose uye kuti ari muna vose.
12
Naizvozvo imi vasarudzwi vaMwari, vatsvene vapamwoyo, pfekai tsika yemwoyo wetsitsi, nomwoyo wokuzvirereka, nomwoyo munyoro nomwoyo murefu,
13
nokutirirana uye kuti kana mumwe ane nhuna nomumwe vachiregererana, sokuregererwa kwamakaitwa naTenzi imiwo munofanira kuregererana.
14
Pamusoro paizvozvi pfekai rudo runobatanidza zvose pamwechete mukuwirirana chaiko.
15
Rugare rwaKristu ngarwutonge mumwoyo menyu. Ndizvo chaizvo zvamakadaidzirwa kuti muve mumuviri mumwechete muchitenda.
16
Shoko raKristu noupfumi hwaro ngarinyatsoti tindindi mamuri muchidzidzisana nokurairana noungwaru muchiimba nziyo nedzimbo nezvimbo zvaMweya muchitenda Mwari mumwoyo menyu.
17
Chiri chose chamunoita, kungave kutaura kana kuita, zviitei muzita raTenzi Jesu, muchitsvitsirwa naye kutenda kwenyu kuna Baba.
18
Madzimai zviisei pasi pavarume venyu sezvazviri izvo zvinokodzerana nomunhu muna Tenzi.
19
Imi varume idai vakadzi venyu musave norushusho kwavari.
20
Imi vana, teererai vabereki venyu muna zvose nokuti ndizvo zvinofadza Tenzi.
21
Vanababa musashatirise vana venyu, vangadaro vakarasa mwoyo.
22
Imi varanda teererai muna zvose vanhu vanenge vari vatenzi venyu pasi pano, kwete zvokubata vanhu kumeso savanhu vokungoda kufadza vanhu. Zviitei nomwoyo mumwechete mutye Tenzi.
23
Chipi nechipi chamunoita chiitei nomwoyo wose sokunge munoshandira Tenzi, kwete vanhu,
24
sezvamunoziva kuti muchagamuchira nhaka somubayiro wenyu, nokuti Tenzi Kristu ndiye wamuri kushandira.
25
Ndinodaro nokuti muiti wezvakaipa achawana mubayiro wake, pasina zvorusaruro.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4