bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ephesians 1
Ephesians 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 2 →
1
Ndini Pauro ndakaitwa mupositori waKristu Jesu chiri chido chaMwari, ndinokunyorerai imi vatsvene uye vanhu vakatendeka muna Kristu Jesu.
2
Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngaakuitirei nyasha akupei rugare.
3
Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaTenzi wedu Jesu Kristu akatikomborera muna Kristu; akatikomborera namakomborero ose ezvomweya okumatenga.
4
Akatisarudza maari pasi pasati pasikwa kuti tive vatsvene vakarurama pamberi pake.
5
Mwari, nechido chake, zvakamufadza kufanotisarudza nokuna Jesu Kristu kuti tive vana vake murudo,
6
kuti Mwari arumbidzwe pamusana penyasha dzake dzisingatauriki dzaakatiitira nokuMwanakomana wake wapamwoyo pasina muripo.
7
Nokwaari takawana ruponeso neropa rake rwokuregererwa zvikanganiso zvedu, maererano nokuwanda kwenyasha dzake
8
dzaakatipavhurira.
9
Noungwaru hwose uye zviri pachenawo, akatizivisa zvinhu zvakavandika, maererano nechinangwa chake chaakanga anacho muna Kristu
10
chourongwa hwake hwokuti kana nguva yakwana, abatanidze zvinhu zvose, zviri kudenga nezviri pasi agozviisa pasi paKristu.
11
Maari, sokutemwa kwazvakaitwa muurongwa huri kushanda muna zvose, nokuti chakanga chiri chido chake,
12
isu takatanga kuva nechitarisiro muna Kristu, takasarudzwa tikapiwa basa rokurumbidza mbiri yake.
13
Zvino, kana imiwo, muna Kristu, makanzwa shoko rechokwadi neShoko Rakanaka roruponeso rwenyu, mukatenda maari, makaiswa rupawo rwaMweya Mutsvene wechivimbiso.
14
Mweya Mutsvene ndiye rubatso rwenhaka yedu kusvikira taiwana, mbiri yaMwari ichibva yarumbidzwa.
15
Naizvozvo kana iniwo pandakanzwa zvechitendero chenyu muna Tenzi Jesu uye rudo rwenyu kuna vatsvene vose
16
handizorori kutenda Mwari pamusana penyu ndichikuyeukai muminamato yangu ndichiti,
17
“Dai Mwari waTenzi wedu Jesu Kristu, Baba vembiri vangokupai Mweya woungwaru anozarurira vanhu kuti mumuzive
18
uye kuti mwoyo yenyu ivhenekerwe kuti muzive chitarisiro chaakakudanirai uye upfumi hwenhaka yake inomukurumbira inowanikwa navatsvene
19
uye hakusi kukura ikoko kwakaita simba rake matiri isu tinotenda sokushanda kwakaita simba rake guru
20
raakashandisa munaKristu paakamumutsa kuvakafa akaita kuti agare kurudyi rwake kunzvimbo dzokumatenga.
21
Kristu akaiswa pamusoro pavose zvavo vane ukuru ukuru, pamusoro pamadzishe navabati vezvigaro uye pamusoro pavane umambo, akapiwawo zita rinomukurumbira kupfuura mazita ose pasi pano nokudenga.
22
Mwari akaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dzake akamuita musoro wezvinhu zvose musangano
23
riri iro muviri wake rinomuzadzisa iye azere pasi pose muna zvose.”
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6